Zvakazarurwa 10:1-7
Zvakazarurwa 10:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga. Akanga akafukidzwa mugore, nomuraravungu pamusoro pake; chiso chake chakanga chakaita sezuva, uye makumbo ake akanga akaita sembiru dzomoto. Akanga akabata bhuku duku rakapetwa, rakanga rakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rwake rworudyi pagungwa uye rworuboshwe rwakatsika panyika, uye akadanidzira nenzwi guru sokuomba kweshumba. Akati adanidzira, inzwi rokutinhira kunomwe rakataura. Uye kutinhira kunomwe kwakati kwataura, ndakanga ndava kuda kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Namira zvarehwa nokutinhira kunomwe uye usazvinyora pasi.” Ipapo mutumwa wandakanga ndaona amire pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga. Uye akapika naiye anogara nokusingaperi-peri, iye akasika matenga nezvose zviri maari, nyika nezvose zviri mairi, uye negungwa nezvose zviri mariri, akati, “Hapachazombovizve nokunonoka! Asi pamazuva ayo mutumwa wechinomwe paanenge oda kuridza hwamanda yake, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakazivisa varanda vake ivo vaprofita.”
Zvakazarurwa 10:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kudenga, akapfeka gore; muraraungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto. Akanga akabata bhuku duku rakazaruka muruoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamusoro pegungwa, norworuboshwe pamusoro penyika; akadanidzira nezwi guru seshumba inorira; iye akati adanidzira, kutinhira kunomwe kukabudisa mazwi ako. Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Zarira zvarehwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.” Ipapo mutumwa uya wandakaona amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika, akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga, akapika naiye ari mupenyu nokusingaperi-peri, akasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo, kuti nguva haingazovipo. Asi namazuva ezwi romutumwa wechinomwe, kana vodakuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira varanda vake, ivo vaporofita.
Zvakazarurwa 10:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakazoona mumwe mutumwa ane simba achibva kudenga akaputirwa negore aine muraraungu pamusoro pake. Uso hwake hwakanga hwakaita sezuva; makumbo ake akanga akaita semisimboti yemoto. Akanga aina kabhuku kokumononora kakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rworudyi rwake pagungwa, rutsoka rwake rworuboshe akaruisa panyika. Akadaidzira nezwi guru seshumba iri kudzvova. Paakadaidzira mheni nomwe dzakabva dzadhiriridza. Pakadhiriridza mheni nomwe dziya ndakanga ndava kuda kunyora, asi ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Ingochengetedza zvataurwa nemheni nomwe usazvinyoreba.” Mutumwa uya wandakaona akamira pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake kudenga. Akapika naiye anogara narini narini; akasika denga nezvirimo nenyika nezvirimo negungwa nezviri mariri, zvechinono hapachisina. Asi mutumwa wechinomwe, panguva yaacharidza bhosvo rake, Mwari achabva azadzisa zvirongwa zvake zvaakataurira varanda vake vaporofita.
Zvakazarurwa 10:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa unesimba aciɓuruka kuɗeŋga, akapfeka gore; muraraʋuŋgu wakaŋga uri pamusoro wake, ciso cake cakaŋga cakaita sezuʋa, netsoka dzake sembiru dzomŋoto. Wakaŋga akaɓata buku ɗuku yakazaruka muruʋoko rwake, akaisa rutsoka rwake rworudyi pamsoro peguŋgwa, norworuɓoshwe pamsoro penyika; akaɗanidzira nenzwi guru seshumba inorira; iye wakati aɗanidzira, kutinhira kunomŋe kukaɓuɗisa manzwi ako. Ɀino kutinhira kunomŋe kwakati kwareʋa, ndakaŋga ndonyora, ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Zarira ɀarebga nokutinhira kunomŋe, usaɀinyora. Ipapo mutumŋa uya wandakaʋona amire pamsoro peguŋgwa napamsoro penyika, wakasimudzira ruʋoko rwake rworudyi kuɗeŋga, akapika naiye uri mupenyu nokusiŋgaperi‐peri, wakasika ɗeŋga neɀiri’mo, nenyika neɀiri’mo, neguŋgwa neɀiri’mo, kuti ŋguʋa haiŋgazoʋi’po. Asi namazuʋa enzwi romutumŋa wecinomŋe, kana ʋoɗo‐kuridza, ɀakaʋanzika ɀaMŋari ɀicapedziswa, seɀaakaparidzira ʋaranda ʋake, iʋo ʋaprofita.
Zvakazarurwa 10:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)