Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvakaratidzwa 10:1-7

Zvakaratidzwa 10:1-7 SCLBD

Ndakazoona mumwe mutumwa ane simba achibva kudenga akaputirwa negore aine muraraungu pamusoro pake. Uso hwake hwakanga hwakaita sezuva; makumbo ake akanga akaita semisimboti yemoto. Akanga aina kabhuku kokumononora kakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rworudyi rwake pagungwa, rutsoka rwake rworuboshe akaruisa panyika. Akadaidzira nezwi guru seshumba iri kudzvova. Paakadaidzira mheni nomwe dzakabva dzadhiriridza. Pakadhiriridza mheni nomwe dziya ndakanga ndava kuda kunyora, asi ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Ingochengetedza zvataurwa nemheni nomwe usazvinyoreba.” Mutumwa uya wandakaona akamira pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake kudenga. Akapika naiye anogara narini narini; akasika denga nezvirimo nenyika nezvirimo negungwa nezviri mariri, zvechinono hapachisina. Asi mutumwa wechinomwe, panguva yaacharidza bhosvo rake, Mwari achabva azadzisa zvirongwa zvake zvaakataurira varanda vake vaporofita.