Mapisarema 91:14-15 - Compare All Versions
Mapisarema 91:14-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu. Achadana kwandiri, uye ndichamupindura; ndichava naye pakutambudzika, ndichamurwira uye ndichamukudza.
Mapisarema 91:14-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvaakandida, ndichamurwira; Ndichamuisa pakakwirira, nokuti wakaziva zita rangu. Iye achadana kwandiri, ndichamupindura; Ini ndichava naye pakutambudzika; Ndichamurwira, nokumukudza.
Mapisarema 91:14-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pamusana pokuti anoita chiname neni ndichamununura norudo. Ndichamudzivirira nokuti anoziva zita rangu. Akadana kwandiri ndichamupindura; ndichava naye munhamo; ndichamununura ndichimuremekedza.
Mapisarema 91:14-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀaakandiɗa, ndicamurwira; Ndicamuisa pakakwirira, nokuti wakaziʋa zita raŋgu. Iye ucaɗana kwandiri, ndicamupindura; Ini ndicaʋa naye pakutambudzika; Ndicamurwira, nokumukudza.
Mapisarema 91:14-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti anoita chiname neni ndichamununura norudo. Ndichamudzivirira nokuti anoziva zita rangu. Akadana kwandiri ndichamupindura; ndichava naye munhamo; ndichamununura ndichimuremekedza.