Mapisarema 69:13-18
Mapisarema 69:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka. Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika. Boporodzi remvura rirege kundikunda. Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu. Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura. Swederai kumweya wangu, muudzikinure; Ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.
Mapisarema 69:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi. Ndinunurei mumatope, musandirega ndichinyura; ndirwirei kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika. Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze, kana kwakadzika kuti kundimedze kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu. Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu; dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko. Swederai pedyo mundinunure; ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.
Mapisarema 69:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kana ndirini, munyengetero wangu uri kwamuri, Ishe, panguva yakafanira; Mwari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka. Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika. Boporodzi remvura rirege kundikunda. Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamusoro pangu. Ndipindurei, Jehovha; nokuti unyoro hwenyu hwakanaka; Ringirai kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura. Swederai kumweya wangu, muudzikinure; Ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.
Mapisarema 69:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi, ini, wandinonamata ndimi TENZI. Ndipindureiwo Mwari panguva yakakodzera nemwoyochena wenyu, wakadai kuwanda nokununura kwenyu kusina chinotadzisa. Ndinunureiwo kuti ndirege kunyura mumadhaka, ndinunureiwo kumhandu dzangu uye kumvura yakadzika. Musarege mafashamo achindifukidza kana kumedzwa nemvura yakadzika gomba ngarirege kundizaririra mariri. Ndipindureiwo TENZI nokuti mwoyochena wenyu wakanaka. Netsiye dzenyu nyoro dzakawanda, tendeukirai kwandiri. Musavanze uso hwenyu kuneni muranda wenyu nokuti ndapinda nhamo; kasirai kundipindura. Swederai pedyo neni mundinunure ndidzikinureiwo kumhandu dzangu.
Mapisarema 69:13-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana ndiri’ni, munyeŋgetero waŋgu uri kwamuri, Ishe, paŋguʋa yakafanira; Mŋari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka. Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kunaʋanondiʋeŋga, napamvura zhinji yakadzika. Ƃoporodzi remvura rirege kundikunda, Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamsoro paŋgu. Ndipindurei, Jehova; nokuti ʋunyoro bgenyu bgakanaka; Riŋgirai kwandiri nokuɗa kwetsitsi dzenyu zhinji. Regai kuʋanzira muranda wenyu ciso cenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura. Sweɗerai kumŋeya waŋgu, muudzikinure; Ndidzikinurei nokuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
Mapisarema 69:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)