Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 69:13-18

Mapisarema 69:13-18 SUB1949

Asi kana ndiri’ni, munyeŋgetero waŋgu uri kwamuri, Ishe, paŋguʋa yakafanira; Mŋari, netsitsi dzenyu zhinji Ndipindurei nokuponesa kwenyu kwakatendeka. Ndirwirei munhope, ndirege kunyura; Ndirwirwe kunaʋanondiʋeŋga, napamvura zhinji yakadzika. Ƃoporodzi remvura rirege kundikunda, Mvura yakadzika irege kundimedza; Gomba rirege kuzarira muromo waro pamsoro paŋgu. Ndipindurei, Jehova; nokuti ʋunyoro bgenyu bgakanaka; Riŋgirai kwandiri nokuɗa kwetsitsi dzenyu zhinji. Regai kuʋanzira muranda wenyu ciso cenyu; Nokuti ndiri pakutambudzika; kurumidzai kundipindura. Sweɗerai kumŋeya waŋgu, muudzikinure; Ndidzikinurei nokuɗa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.