Mapisarema 63:1-2 - Compare All Versions
Mapisarema 63:1-2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura. Ndakakuonai munzvimbo yenyu tsvene, uye ndikaona simba renyu nokubwinya kwenyu.
Mapisarema 63:1-2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura. Naizvozvo ndakatarira kwamuri panzvimbo tsvene, Kuti ndione simba renyu nokubwinya kwenyu.
Mapisarema 63:1-2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mwari ndimi Mwari wangu ndinokutsvakai ini ndinokufirai nenyota. Nyama yangu inokutakwairirai senyika yakaoma yerenje isina mvura. Regai ndikuonei zvangu munzvimbo yenyu inoera, ndione simba renyu nembiri
Mapisarema 63:1-2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Mŋari, imi muri Mŋari waŋgu; ndicakutȿakai maŋgwanani; Mŋeya waŋgu unenyota kwamuri, nyama yaŋgu inokushuʋai, Panyika yakawoma, inonzwisa nyota, isinemvura. Naiɀoɀo ndakatarira kwamuri panɀimbo tȿene, Kuti ndiʋone simba renyu nokubginya kwenyu.
Mapisarema 63:1-2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari ndimi Mwari wangu ndinokutsvakai ini ndinokufirai nenyota. Nyama yangu inokutakwairirai senyika yakaoma yerenje isina mvura. Regai ndikuonei zvangu munzvimbo yenyu inoera, ndione simba renyu nembiri