Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:81-128

Mapisarema 119:81-128 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?” Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko? Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu. Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu. Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu! Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu. Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.

Mapisarema 119:81-128 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Mweya wangu unopanga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu. Meso angu anopera nokutsvaka shoko renyu, Ndichiti, “Muchandinyaradza riniko?” Nokuti ndava sehombodo iri muutsi; Kunyange zvakadaro handikanganwi mitemo yenyu. Mazuva omuranda wenyu manganiko? Muchatonga riniko vanonditambudza? Vanozvikudza vakandicherera hunza, Ivo vasingatereri murau wenyu. Mirairo yenyu yose yakatendeka; Vanonditambudza ndisina mhosva; ndibatsirei imi. Vakanga voda kundiparadza pasi; Asi handina kusiya zvirevo zvenyu. Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu; Naizvozvo ndichachengeta chipupuriro chomuromo wenyu. Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha. Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; Nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu. Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu; Nokuti makandiponesa nazvo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu. Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo. Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu. Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu! Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu. Ndakapika, ndikazvisimbisa, Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama. Ndinotambudzika kwazvo; Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu. Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo zvandinokumbira zvipo zvomuromo wangu zvandinopa nomwoyo wangu, Mundidzidzise zvamakatonga. Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu; Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu. Vakaipa vakanditeyera musungo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka yangu nokusingaperi; Nokuti ndizvo zvinofadza mwoyo wangu. Ndakarerekera mwoyo wangu kuti uite mitemo yenyu, Nokusingaperi, kusvikira pakuguma. Ndinovenga vane mwoyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu. Imi muri chivando changu nenhoo yangu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu. Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu. Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu. Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyengera kwavo inhema. Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu. Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga. Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu. Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka; Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza. Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu. Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu. Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka. Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema.

Mapisarema 119:81-128 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mwoyo wangu unosuwira ruponeso rwenyu shoko renyu ndiro chitarisiro changu. Kafu Ndaneta nokutarisira chitsidzo chenyu. Ndinobvunza kuti muchandinyaradza rini, nokuti ndafanana nechigubhu chewaini chamatehwe chiri muutsi asi mitemo yenyu handina kuikanganwa? Ini muranda wenyu ndinofanira kutirira kusvikira rinhiko? Muchatonga rini vanonditambudza. Vanozvikudza vakandicherera hunza vanhu vasingatevedzi mutemo wenyu. Mitemo yenyu yose yakatendeka, vanonditambudza namanyepo, ndibatsireiwo. Vavakutosvika pakuda kundiparadza panyika asi mitemo yenyu handina kuirasa. Ndiraramiseiwo nemwoyochena wenyu kuti ndichengete mitemo yomuromo wenyu. TENZI, shoko renyu rakadzika midzi kudenga nokusingaperi. Ramadhi Kutendeka kwenyu kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa makadzika nyika uye inoramba yakasimba. Nokuronga kwenyu nanhasi zvichiripo nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Pasina kutofarira murau wenyu kwandakaita, ndingadai ndakaparara munhamo dzangu. Mitemo yenyu handimboikanganwa nokuti ndiyo yamakandiraramisa nayo. Ndiri wenyu, ndiponeseiwo nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Vakaipa vanondivandira kuti vandiparadze, asi ini chandinongofunga mitemo yenyu. Ndakaona kuti hapana chisina mugumo asi mutemo wenyu ziendanakuenda risina miganhu. Hakusi kuuda ikoko kwandinoita mutemo wenyu ndiwo wandinongofunga zuva rose. Memi Mutemo wenyu unoita kuti ndive wakangwara kupinda vavengi vangu nokuti unogara uineni. Ndinotonzwisisisa kupinda vadzidzisi vangu vose nokuti mitemo yenyu ndiyo yandinongofunga. Ndinotonzwisisa kupinda vakwegura nokuti ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinozvidzora kunzira dzose dzakaipa kuitira kuti ndichengete shoko renyu. Handitsaukani nezvirevo zvenyu nokuti makandidzidzisa. Hakusi kunaka ikoko parurimi kwakaita mashoko enyu, anonaka kupinda uchi mukanwa mangu. Ndinowana kunzwisisa nemitemo yenyu naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiro rambi retsoka dzangu nemwenje unondivhenekera nzira. Nunu Ndakatsidza uye ndinosimbisisa kuti ndichachengeta zvirevo zvenyu zvakarurama. Ndinorwadziwa zvikuru, TENZI, ndiraramiseiwo sokutsidza kwenyu. TENZI gamuchiraiwo mupiro wangu wokurumbidza mundidzidzisewo zvirevo zvenyu. Ndinogara ndakabatira ura mumaoko asi mutemo wenyu handiukanganwi Vaipi vakanditeya asi handitsauki pamitemo yenyu. Mitemo yenyu ndiyo nhaka yangu nokusingaperi. Ehe, ndiyo rufaro rwomwoyo wangu. Ndakazvipira kuchengeta mitemo yenyu narini kusvika kumugumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri asi chandinoda mutemo wenyu. Sameki Ndimi mudziviriri wangu nenhowo yangu, ndinovimba neshoko renyu. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa kuti ndiwane machengetero emitemo yaMwari wangu. Nditsigireiwo sokutsidza kwamakaita kuitira kuti ndirarame, musaite kuti ndinyare nechitarisiro changu. Nditsigirei ndichengeteke ndirambe mwoyo uri pamitemo yenyu. Munorasa vanhu vose vanotsauka pamitemo yenyu nokuti varevi venhema, vanyengedzi. Munoshora vakaipa samagufu, nokudaro ndinoda mitemo yenyu. Ndinodedera nokukutyai; ndinotya kutonga kwenyu. Ndakaita zviri pamutemo uye zvakarurama musandisiye mumaoko avanondidzvinyiriri vangu. Aini Tsidzai kuti ndimi muchabatsira ini muranda wenyu. Musarege vanozvikudza vachindidzvinyirira. Meso angu aneta nokutarisira ruponeso rwenyu nokuzadzikiswa kwechitsidzo chenyu chakarurama. Ndiitireiwo mwoyochena mundidzidzisewo mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndizive mitemo yenyu. Yasvika zvino nguva TENZI yokuti muchiwana zvamunoita nokuti mutemo uri kutyorwa. Naizvozvo ndinoda mitemo yenyu kupinda ndarama, kupinda ndarama yakanakisisa. Nezvo nemitemo yenyu ndinowana nzira kwayo, ndinovenga maitiro ose ounyengedzi.

Mapisarema 119:81-128 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mŋeya waŋgu unopaŋga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu. Meso aŋgu anopera nokutsaka shoko renyu, Ndiciti: Mucandinyaradza riniko? Nokuti ndaʋa sehomboɗo iri muʋutsi; Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi mitemo yenyu. Mazuʋa omuranda wenyu maŋganiko? Mucatoŋga riniko ʋanonditambudza? Ʋanoɀikudza ʋakandicerera hunza, Iʋo ʋasiŋgatereri murau wenyu. Mirairo yenyu yose yakatendeka; Ʋanonditambudza ndisinemhoȿa; ndiɓatsirei imi. Ʋakaŋga ʋoɗa‐kundiparadza pasi; Asi handina‐kusiya ɀireʋo ɀenyu. Ndiponesei nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Naiɀoɀo ndicaceŋgeta cipupuriro comuromo wenyu. Shoko renyu rakasimba kuɗeŋga Nokusiŋgaperi, Jehova. Kutendeka kwenyu kunoȿika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Ɀinoramba ɀigere nanhasi seɀamakatema; Nokuti ɀinhu ɀose ʋaranda ʋenyu. Ƌai murau wenyu usina‐kuʋa mufaro waŋgu mukuru, Ndiŋgaɗai ndakaparara neɗambudziko raŋgu. Handiŋgatoŋgokaŋganwi ɀireʋo ɀenyu; Nokuti makandiponesa naɀo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ʋakaipa ʋakandigarira kuti ʋandiparadze; Asi ndicafuŋga ɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona kuguma kweɀose ɀakakwana, Asi murairo wenyu mupamhi kwaɀo. Haiwa, ndinoɗa murau wenyu seiko! Ndico candinofuŋgisisa zuʋa rose. Mirairo yenyu inondiita wakacenjera kupfuʋura ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Nokuti inogara neni nokusiŋgaperi. Ndinenjere kupfuʋura ʋadzidzisi ʋaŋgu ʋose; Nokuti ɀipupuriro ɀenyu ndiɀo ɀandinofuŋgisisa. Ndinonzwisisa kupfuʋura ʋakakwegura, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Ndakadzora tsoka dzaŋgu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndiceŋgete shoko renyu. Handina‐kutsauka paneɀamatoŋga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa maŋgu! Ɀirokwaɀo, anokunda ʋuci mumuromo maŋgu! Paɀireʋo ɀenyu ndinowana njere; Saka ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mŋenje wetsoka dzaŋgu, Neciedza panzira yaŋgu. Ndakapika, ndikaɀisimbisa, Kuti ndicaceŋgeta ɀamakatoŋga ɀakarurama. Ndinotambudzika kwaɀo; Ndiponesei, Jehova, neshoko renyu. Gamucirai henyu Jehova — ndiɀo ɀandinokumbira — ɀipo ɀomuromo waŋgu ɀandinopa nomŋoyo waŋgu, Mundidzidzise ɀamakatoŋga. Mŋeya waŋgu unoŋgosiʋa muruʋoko rwaŋgu; Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi murau wenyu. Ʋakaipa ʋakanditeyera musuŋgo; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀireʋo ɀenyu. Ɀipupuriro ɀenyu ndakaɀiita nhaka yaŋgu nokusiŋgaperi; Nokuti ndiɀo ɀinofadza mŋoyo waŋgu. Ndakarerekera mŋoyo waŋgu kuti uite mitemo yenyu, Nokusiŋgaperi, kuȿikira pakuguma. Ndinoʋeŋga ʋanemŋoyo miʋiri; Asi ndinoɗa murau wenyu. Imi muri ciʋando caŋgu nenhoʋo yaŋgu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita ɀakaipa; Kuti ndiceŋgete mirairo yaMŋari waŋgu. Nditsigirei seɀinoreʋa shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwaŋgu. Nditsigirei, ndiceŋgetwe, Ndigoramba ndiciraŋgarira mitemo yenyu. Makaɀidza ʋose ʋanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyeŋgera kwaʋo inhema. Ʋakaipa ʋose ʋapasi munoʋagumisa sefuro; Saka ndinoɗa ɀipupuriro ɀenyu. Nyama yaŋgu inobvunda nokukutyai; Ndinotya ɀamakatoŋga. Ndakaita ɀakatoŋgwa neɀakarurama; Musandiisa kuʋamanikidzi ʋaŋgu. Iʋai ruɓatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe ɀakanaka; Ʋanoɀikudza ŋgaʋarege kundimanikidza. Meso aŋgu apera nokutȿaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu noʋunyoro bgenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndiziʋe ɀipupuriro ɀenyu. Iŋguʋa yaJehova yokuɓata nayo; Nokuti ʋakaputsa murau wenyu. Saka ndinoɗa mirairo yenyu Kupfuʋura ndarama, ɀirokwaɀo, kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka. Saka ndinoti, ɀireʋo ɀenyu ɀose pamsoro peɀose ɀakarurama; Ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema.

Mapisarema 119:81-128 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)