Mweya wangu unopanga kuponesa kwenyu;
Asi ndinotarira shoko renyu.
Meso angu anopera nokutsvaka shoko renyu,
Ndichiti, “Muchandinyaradza riniko?”
Nokuti ndava sehombodo iri muutsi;
Kunyange zvakadaro handikanganwi mitemo yenyu.
Mazuva omuranda wenyu manganiko?
Muchatonga riniko vanonditambudza?
Vanozvikudza vakandicherera hunza,
Ivo vasingatereri murau wenyu.
Mirairo yenyu yose yakatendeka;
Vanonditambudza ndisina mhosva;
ndibatsirei imi.
Vakanga voda kundiparadza pasi;
Asi handina kusiya zvirevo zvenyu.
Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu;
Naizvozvo ndichachengeta
chipupuriro chomuromo wenyu.
Shoko renyu rakasimba kudenga
Nokusingaperi, Jehovha.
Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi;
Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere.
Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema;
Nokuti zvinhu zvose varanda venyu.
Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru,
Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu.
Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu;
Nokuti makandiponesa nazvo.
Ndiri wenyu, ndiponesei;
Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze;
Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu.
Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana,
Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo.
Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko!
Ndicho chandinofungisisa zuva rose.
Mirairo yenyu inondiita akachenjera
kupfuura vavengi vangu;
Nokuti inogara neni nokusingaperi.
Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose;
Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa.
Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura,
Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu.
Ndakadzora tsoka dzangu panzira
dzose dzakaipa;
Kuti ndichengete shoko renyu.
Handina kutsauka pane zvamatonga;
Nokuti makandidzidzisa.
Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu!
Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu!
Pazvirevo zvenyu ndinowana njere;
Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,
Nechiedza panzira yangu.
Ndakapika, ndikazvisimbisa,
Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama.
Ndinotambudzika kwazvo;
Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu.
Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo
zvandinokumbira zvipo zvomuromo
wangu zvandinopa nomwoyo wangu,
Mundidzidzise zvamakatonga.
Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu;
Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu.
Vakaipa vakanditeyera musungo;
Kunyange zvakadaro handina kutsauka
pazvirevo zvenyu.
Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka
yangu nokusingaperi;
Nokuti ndizvo zvinofadza mwoyo wangu.
Ndakarerekera mwoyo
wangu kuti uite mitemo yenyu,
Nokusingaperi, kusvikira pakuguma.
Ndinovenga vane mwoyo miviri;
Asi ndinoda murau wenyu.
Imi muri chivando changu nenhoo yangu;
Ndinotarira shoko renyu.
Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa;
Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu.
Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu,
kuti ndirarame;
Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu.
Nditsigirei, ndichengetwe,
Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu.
Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu;
Nokuti kunyengera kwavo inhema.
Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro;
Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu.
Nyama yangu inobvunda nokukutyai;
Ndinotya zvamakatonga.
Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama;
Musandiisa kuvamanikidzi vangu.
Ivai rubatso rwomuranda wenyu
kuti ndiitirwe zvakanaka;
Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza.
Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu,
Neshoko renyu rakarurama.
Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu,
Mundidzidzise mitemo yenyu.
Ndiri muranda wenyu, ndipei njere;
Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu.
Inguva yaJehovha yokubata nayo;
Nokuti vakaputsa murau wenyu.
Saka ndinoda mirairo yenyu
Kupfuura ndarama, zvirokwazvo,
kupfuura ndarama yakaisvonaka.
Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose
pamusoro pezvose zvakarurama;
Ndinovenga nzira dzose dzenhema.