Mapisarema 101:3-5
Mapisarema 101:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri. Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa. Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro.
Mapisarema 101:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri. Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa. Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomwoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.
Mapisarema 101:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndicharega kutarisa chose chinenge chakashata; zvose zvinoitwa navanenge vafuratira Mwari, ndichazvivenga. Handidi kuva nei nazvo. Uipi ndichasiana nahwo, handidi kumbofa ndakaita ukama nouipi. Munhu anoreva mumwe wake muchivande, ndichamuparadza. Munhu anozvitutumadza, anozvikudza handidi, kuita hanya naye.
Mapisarema 101:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Handiŋgaʋaʋariri cinhu cakaipa; Ndinoʋeŋga ɀinoitwa naʋanotsauka; Haɀiŋgandinamatiri. Mŋoyo wakatsauka ŋgaubve kwandiri; Handiɗi kuziʋa ɀakaipa. Unoitira ʋokwake makuhwa, ndicamuparadza; Unotarira namanyawi, nounomŋoyo unoɀikudza, handiŋgaʋi nehanya naye.
Mapisarema 101:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)