Zvirevo 4:6-24 - Compare All Versions
Zvirevo 4:6-24 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda. Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa. Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza. Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.” Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji. Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama. Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi. Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako. Usaisa rutsoka panzira dzavakaipa, kana kufamba panzira dzavanhu vakaipa. Udzinzvenge, usafamba padziri; tsauka padziri ugopfuurira mberi. Nokuti havangavati vasati vaita zvakaipa; havangabatwi nehope kusvikira vaita kuti mumwe munhu aputsike. Vanodya zvokudya zvezvakaipa, uye vanonwa waini yezvechisimba. Nzira yavakarurama yakafanana nechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pachiedza chamasikati makuru. Asi nzira yavakaipa yakaita serima guru; havazivi zvinoita kuti vagumburwe. Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako; nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu. Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.
Zvirevo 4:6-24 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usaurasha, hugokuchengeta; Uude, hugokurinda. Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.” Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji. Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama. Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi. Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako. Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata. Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako. Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe. Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza. Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru. Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa. Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Urambe uchitarira, Uachengete mukati momwoyo mako. Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose. Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu. Bvisa kwauri nhema dzomuromo; Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.
Zvirevo 4:6-24 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Usaʋurasha, ʋugokuceŋgeta; Uʋuɗe, ʋugokurinda. Ʋucenjeri cinhu cikuru kuneɀose; saka uɀiwanire ʋucenjeri; Uɀiwanire njere neɀose ɀaunaɀo. Uʋukudze, ʋugokukwiridza iwe; Ʋucakuʋigira kukudzwa, kana uciʋumbundikira. Ʋucapa musoro wako cishoŋgo cakanaka; Ʋucakuisira korona inobginya. Cinzwa iwe mŋanakomana waŋgu, ugamucire ɀandinoreʋa; Makore oʋupenyu bgako agoʋa mazhinji. Ndakakudzidzisa panzira yoʋucenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama. Kana ucifamba, tsoka dzako hadziŋgapiŋganidzwi; Kana ucimhanya, hauŋgagumburwi. Natsa kuɓata kurairirwa; usakuregedza; Ukuceŋgete, nokuti ndibgo ʋupenyu bgako. Usapinda pagwara raʋakaipa, Usafamba nenzira yaʋakashata. Uinɀeŋge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuʋure hako. Nokuti haʋaʋati, kana ʋasiŋgaiti ɀakashata; Ʋanotorerwa hope dzaʋo, kana ʋasiŋgagumbusi ʋamŋe. Nokuti ʋanodya ɀokudya ɀeɀakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza. Asi gwara raʋakarurama rakaita seciedza camambakwedza, Cinoramba ciciwedzera kubginya kuȿikira pamasikati makuru. Nzira yaʋakaipa yakaita serima; Haʋaziʋi ciŋgaʋagumbusa. Mŋanakomana waŋgu, terera mashoko aŋgu; Rerekera nzeʋe yako kuneɀandinoreʋa. Urambe uciatarira, Uaceŋgete mukati momŋoyo mako. Nokuti ndibgo ʋupenyu kunaʋanoawana, Noʋukukutu bgenyama yaʋo yose. Ceŋgeta mŋoyo wako kupfuʋura ɀose ɀinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndi’mo muneɀituɓu ɀoʋupenyu. Bvisa kwauri nhema dzomuromo; Kutsauka kwemiromo ŋgakuʋe kure newe.
Zvirevo 4:6-24 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Usasiane noungwaru, ihwo huchakuchengeta hude, ihwo huchakuchengetedza. Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.” Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira. Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro hugokugadza ndaza yakanaka. Teerera mwanangu, utambire zvandinokutaurira kuti makore oupenyu hwako awande. Ndakakudzidzisa nzira dzoungwaru ndikakutungamirira mumakwara ukava pachokwadi. Kana wofamba, nhanho dzako hadzizovhiringidzwi, kana womhanya haugumburwi. Batisisa zvaunodzidziswa, usazvikande pasi, ramba wakazvichengeta nokuti ndihwo upenyu hwako. Usafambe namakwara avaipi kana kutevera nzira dzavakaipa. Siana nayo, usadimure nekwairi. Tsaukana nayo uinyenyeredze. Ndinodaro nokuti havakwanisi kuvata kana vasina kuita zvakaipa, havawane hope, kusvikira vatovhiringidza mumwe munhu, nokuti uipi ndicho chokudya chavo uye utsinye ndiyo waini yavanonwa. Gwara ravarurami rakaita samambakwedza anoramba achingochena kusvikira ava masikati makuru. Asi nzira yavakaipa yakaita sezarima havambozivi chinogumbura. Mwanangu teerera mashoko angu rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Ngazvirege kupunyuka ziso rako zvichengete mumwoyo mako nokuti upenyu kuna anozviwana uye zvinorapa nyama yake yose. Nyatsochengetedza mwoyo wako nomwoyo wose nokuti mauri ndimo mune zvisipiti zvoupenyu. Bvisa mauri muromo wenhema uye pamuromo pako kutaura zvisizvo.
Zvirevo 4:6-24 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)