Zvirevo 4:6-24
Zvirevo 4:6-24 SNA2002
Usaurasha, hugokuchengeta; Uude, hugokurinda. Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.” Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji. Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama. Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi. Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako. Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata. Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako. Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe. Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza. Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru. Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa. Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Urambe uchitarira, Uachengete mukati momwoyo mako. Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose. Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu. Bvisa kwauri nhema dzomuromo; Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.

