Zvirevo 26:13-16
Zvirevo 26:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!” Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo. Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.
Zvirevo 26:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Simbe inoti, “Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.” Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhoo dzayo. Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo. Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.
Zvirevo 26:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nyope inoti munzira mune shumba mumugwagwa mune mhondoro. Gonhi rinotenderera pamahinjisi aro ndozvinoita tsimbe pauriri hwayo. Nyanungo anoti ruoko mundiro tindindindi achizoita nungo dzokurudzorera kumuromo. Tsimbe inozviona seyakangwara kupinda vanhu vanomwe vanokwanisa kupindura zvino musoro.
Zvirevo 26:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simbe inoti: Kuneshumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha. Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndiɀo ɀinoita simbe panhoʋo dzayo. Simbe inopinza ruʋoko rwayo mundiro, Inoʋusimbe kurudzosera ɀe kumuromo wayo. Simbe inoɀiti ndakacenjera Kupfuʋura ʋanhu ʋanomŋe ʋanogona kupindura nenjere.
Zvirevo 26:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)