Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 2:1-22

Zvirevo 2:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri, ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa, uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa, uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa, ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa. Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa, nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake. Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako. Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda. Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama, vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima, vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa, vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo. Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake, uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari. Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa. Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu. Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama. Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi; asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 2

Zvirevo 2:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri; Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nezwi rako kuti uwane njere; Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere, Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhoo yavanofamba muzvokwadi; Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake. Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako; Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta; Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama; Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima; Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa. Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo; Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake. Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa; Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu; Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama. Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 2

Zvirevo 2:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mwanangu, ukagamuchira mashoko angu uye ukapfimbika mauri mitemo yangu, uchirerekera nzeve yako kuungwaru, uchitorwa mwoyo nenzwisiso nokungewo uchichemera kuzivisisa uchidaidza kunzwisisa ukatsvaka ungwaru sesirivha uchihutsvaka upfumi hwakavandika. Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa uchibva wawana kuziva Mwari, nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru mukanwa make ndimo munobva ruzivo nokunzwisisa anochengetera vakarurama ungwaru chaihwo ndiye nhowo yokudzivirira vanofamba zvakarurama. Anochengetedza maitiro okutonga kwakarurama achichengetedza nzira yavarurami vake. Ndopaunozonzwisisa kuti ururami noruenzaniso nokuva pachokwadi chii uyewo maitiro ose akarurama nokuti uchapindura mwoyo noungwaru uye ruzivo ruchave shamwari yako. Kuziva kusarudza kuchakuchengetedza, kuziva chokusarudza kuchakutarira. Kuchakununura kunzira yakaipa kuvanhu vanotaura zvakaora, vanhu vanosiya nzira tsvene vachifamba munzira dzerima; vanofarira kuita zvakaipa vanonakirwa nokushata kwouipi; vanhu vane nzira dzakakombama vanokuita kwakamonyoroka. Zvinokununura kumukadzi asiwako kumukadzi asingazivikanwi twaanotaura norurimi rwake twunotapira mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake. Anonyudza pasi kurufu imba yake nzira dzake dzinodzika kuvafi. Wose anoenda kwaari haadzoki haazowanazve nzira youpenyu. Saka famba nenzira yavanhu vakanaka uchengetedze nzira dzavakarurama nokuti vakarurama ndivo vachagara panyika uye vanotendeseka vachararama mairi vakaipa vachabviswa panyika vanoujarijari vachatipurwapo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 2

Zvirevo 2:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Mŋanakomana waŋgu, kana ukagamucira mashoko aŋgu, Nokuceŋgeta mirairo yaŋgu kwauri; Kuti urerekere nzeʋe yako iterere ʋucenjeri, Nokurwadza mŋoyo wako, kuti unzwisise; Kana ukacemera kunzwisisa, Ukaɗanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; Ɀirokwaɀo kana ukaʋutȿaka sesirveri, Ukaʋutȿakisisa sefuma yakaʋanzwa; Ipapo ucanzwisisa kutya Jehova, Nokuwana ziʋo yaMŋari. Nokuti Jehova ndiye unopa ʋucenjeri; Mumuromo make munoɓuɗa ziʋo nenjere, Unoʋigira ʋakarurama ʋucenjeri caibgo; Ndiye nhoʋo yaʋanofamba muɀokwaɗi; Nokuti unorinda makwara okururamisa, Nokuceŋgeta nzira yaʋatȿene ʋake. Ipapo ucanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. Nokuti ʋucenjeri ʋucapinda mumŋoyo mako, Ziʋo icafadza mŋeya wako; Kuŋgwara kucakurindira, Njere dzicakuceŋgeta; Ɀikurwire panzira yeɀakaipa, Napaʋanhu ʋanotaura ɀisakarurama; Ʋanorasha makwara okururama, Kuti ʋafambe nenzira dzerima; Ʋanofarira kuita ɀakaipa, Ʋanofadzwa nokunyeŋgera kweɀakaipa. Ʋanenzira dzakaminama, Ʋanotsauka pamakwara aʋo; Kuti ɀikurwire kumukadzi wokumŋe, Kumukadzi mutorwa, unoɓata kumeso namashoko ake. Iye, unorasha shamŋari yoʋumhandara bgake, Acikaŋganwa suŋgano yaMŋari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuʋakafa; Hakuna‐unopinda kwaari unozodzoka ɀe; Haʋaȿiki panzira dzoʋupenyu; Kuti ufambe nenzira yaʋakanaka, Uceŋgete makwara aʋakarurama. Nokuti ʋakarurama ʋacagara panyika, Ʋakakwana ʋacarambira’po. Asi ʋakaipa ʋacaparadzwa panyika; Ʋanoita nokunyeŋgedzera ʋacadzurwa’po.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 2

Zvirevo 2:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)