Mŋanakomana waŋgu, kana ukagamucira mashoko aŋgu, Nokuceŋgeta mirairo yaŋgu kwauri; Kuti urerekere nzeʋe yako iterere ʋucenjeri, Nokurwadza mŋoyo wako, kuti unzwisise; Kana ukacemera kunzwisisa, Ukaɗanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; Ɀirokwaɀo kana ukaʋutȿaka sesirveri, Ukaʋutȿakisisa sefuma yakaʋanzwa; Ipapo ucanzwisisa kutya Jehova, Nokuwana ziʋo yaMŋari. Nokuti Jehova ndiye unopa ʋucenjeri; Mumuromo make munoɓuɗa ziʋo nenjere, Unoʋigira ʋakarurama ʋucenjeri caibgo; Ndiye nhoʋo yaʋanofamba muɀokwaɗi; Nokuti unorinda makwara okururamisa, Nokuceŋgeta nzira yaʋatȿene ʋake. Ipapo ucanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. Nokuti ʋucenjeri ʋucapinda mumŋoyo mako, Ziʋo icafadza mŋeya wako; Kuŋgwara kucakurindira, Njere dzicakuceŋgeta; Ɀikurwire panzira yeɀakaipa, Napaʋanhu ʋanotaura ɀisakarurama; Ʋanorasha makwara okururama, Kuti ʋafambe nenzira dzerima; Ʋanofarira kuita ɀakaipa, Ʋanofadzwa nokunyeŋgera kweɀakaipa. Ʋanenzira dzakaminama, Ʋanotsauka pamakwara aʋo; Kuti ɀikurwire kumukadzi wokumŋe, Kumukadzi mutorwa, unoɓata kumeso namashoko ake. Iye, unorasha shamŋari yoʋumhandara bgake, Acikaŋganwa suŋgano yaMŋari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuʋakafa; Hakuna‐unopinda kwaari unozodzoka ɀe; Haʋaȿiki panzira dzoʋupenyu; Kuti ufambe nenzira yaʋakanaka, Uceŋgete makwara aʋakarurama. Nokuti ʋakarurama ʋacagara panyika, Ʋakakwana ʋacarambira’po. Asi ʋakaipa ʋacaparadzwa panyika; Ʋanoita nokunyeŋgedzera ʋacadzurwa’po.
Verenga chikamu Ɀireʋo 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 2:1-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo