Zvirevo 17:1-28
Zvirevo 17:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zviri nani kuva nechimedu chakaoma chechingwa uine rugare norunyararo pane imba izere namabiko, ine kupesana. Muranda akachenjera achatonga mwanakomana anonyadzisa, uye achagoverwa nhaka somumwe wehama. Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi Jehovha ndiye anoedza mwoyo. Munhu akaipa anoteerera miromo yakaipa; murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi runoparadza. Uyo anoseka varombo anozvidza Musiki wavo, ani naani anofarira njodzi dzavamwe haangaregi kurangwa. Vana vevana ikorona kune vakwegura, uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo. Kutaura kuna manyawi hakuna kufanira benzi, zvikuru sei kutaura nhema kwomubati! Fufuro inofadza uyo anoipa; kwose kwose kwaanoenda, anobudirira. Uyo anofukidzira kudarika kwomumwe anotsvaka rudo, asi ani naani anomutsazve mhaka anoparadzanisa shamwari dzepedyo. Kutsiurwa kunofadza munhu ane njere kupfuura kurohwa kwebenzi kazana. Munhu akaipa anongotsvaka kumukira chete; nhume isina tsitsi ichatumirwa kundomurwisa. Zviri nani kusangana nechikara chatorerwa vana vacho pane benzi muupenzi hwaro. Kana munhu akaripira zvakanaka nezvakaipa zvakaipa hazvizombobvi paimba yake. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura yedhamu; saka rega nharo kurwa kusati kwatanga. Kupembedza ane mhosva nokupomera asina mhaka, Jehovha anozvivenga zvose. Ine basa reiko mari kana iri muruoko rwebenzi, sezvo risina chishuvo chokuwana uchenjeri? Shamwari inoda panguva dzose, uye hama yakaberekerwa kupikisana. Munhu anoshayiwa njere ndiye anombunda noruoko rwake pamhiko, uye anoitira muvakidzani wake rubatso. Uyo anoda zvokukakavara anoda chivi; uyo anovaka suo refu anotsvaka kuparadzwa. Munhu ane mwoyo wakaipa haabudiriri; uyo ane rurimi runonyengera achawira mudambudziko. Kuva nomwanakomana benzi kunouyisa kurwadziwa; baba vebenzi havana mufaro. Mwoyo wakafara mushonga wakanaka, asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa. Munhu akaipa anogamuchira fufuro muchivande, kuti aminamise nzira dzokururamisira. Munhu ane njere anoisa uchenjeri pamberi, asi meso ebenzi anosvika kumagumo enyika. Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake, uye anoitisa shungu uyo akamubereka. Hazvina kunaka kuranga munhu asina mhosva, kana kurova machinda nokuda kwokururama kwavo. Munhu ano ruzivo anoshandisa mashoko achizvidzora, uye munhu anonzwisisa akadzikama. Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.
Zvirevo 17:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chimedurwa chakaoma chechingwa norugare, Chinopfuura imba izere nezvakabayiwa nokukakavara. Muranda, anoita nouchenjeri, angaraira mwanakomana anonyadzisa, Achidya nhaka pamwechete navana. Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevhira nderendarama; Asi Jehovha anoidza mwoyo yavanhu. Munhu, anoita zvakaipa, anoteerera miromo yakaipa; Murevi wenhema anorerekera nzeve yake kururimi rwakashata. Ani naani anoseka murombo, anozvidza Muiti wake; Anofara pamusoro penjodzi yavamwe, haangakoni kurohwa. Vazukuru ikorona yavatana; Kukudzwa kwavana ndiwo madzibaba avo. Kutaura kwamanyawi hakufaniri benzi; Zvikuru kutaura kune nhema hakufaniri muchinda. Fufuro yakaita sebwe rinokosha kana ichitarirwa nomwene wayo; Pose painoringira inofadza. Munhu anofukidza kudarika kwomumwe, anotsvaka rudo; Asi anoramba achimutsa shoko, anoparadzanisa shamwari dzinodana. Munhu ane njere anobayiwa nokutukwa Kupfuura benzi nokurohwa rune zana. Munhu ano mwoyo wokumukira anongotsvaka zvakaipa; Asi achatumirwa nhume ino mwoyo mukukutu. Zviri nani kuti munhu asangane nechikara chatorerwa vana, Pakuti asangane nebenzi paupenzi hwaro. Ani naani anoripidzira zvakanaka nezvakaipa, Zvakaipa hazvingabvi paimba yake. Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudziurira mvura; Saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika. Anopembedza akaipa, noanopa wakarurama mhosva, Vose vari vaviri vanonyangadza Jehovha. Mari iri muruoko rwebenzi neiko kuti ritenge uchenjeri, Zvarisina njere. Shamwari inoda nguva dzose; Hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika. Munhu anoshaiwa njere, ndiye anozvisunga noruoko rwake, Achizviitira wokwake rubatso. Anoda kukakavara, anoda kudarika; Anokurisa suo rake, anotsvaka kuparadzwa. Ano mwoyo usakarurama haawani zvakanaka; Ano rurimi rusakarurama anowira munjodzi. Anobereka benzi achazonzwa shungu; Baba vebenzi havana mufaro. Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora; Asi mweya wakaputsika unowomesa mapfupa. Munhu akaipa anogamuchira fufuro inobva muchipfuva, Kuti aminamise nzira dzokururamisira. Uchenjeri huri pamberi poane njere; Asi meso ebenzi ari pamigumo yenyika. Mwanakomana benzi anochemedza baba vake, Anoitira mai vakamubereka zvinovava. Uye, kuranga akarurama hakuzakanaka, Nokurova vakuru nokuda kwokururama kwavo. Anozvidzora pamashoko ake, ane zivo; Uye ane mweya wakagadzikana, munhu wenjere. Kunyange nebenzi, kana rinyerere, ringanzi rakachenjera; Anobumira muromo wake, achanzi akangwara.
Zvirevo 17:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zviri nani kuva nechipapata norunyararo pano mumba muzere nokudyiririra asi muine gakava. Muranda mungwaru anotonga mwana mukomana anoita zvinonyadzisa uye anotogoverana nhaka semukomanomun'una nevana vomo. Bisiro nderesirivha virira nderendarama asi Tenzi ndiye anoedza mwoyo. Muiti wezvakaipa anoteerera kumuromo unoreva nhema munyepi anoteerera makuhwa. Munhu anonyomba murombo anonyomba musiki wake. Munhu anofarira nhamo dzavamwe haamborega kurangwa. Vazukuru ndivo ndaza yavakwegura uye vabereki ndiyo mbiri yavana. Kutaura zvakanaka hakupindirani nebenzi ko kutozoti jinda rinotaura nhema. Pfumbamuromo kumuridzi wayo yakaita sedombo romushonga kwose kwaanoenda anobudirira. Munhu anoregerera anotsvaka rudo asi anoramba odzokorora nyaya anoputsa ukama. Kutsiurwa kunopinda mumunhu anonzwisisa kupfuura kurova benzi kazana. Munhu wakaipa anotsvaka zvokupanduka achatumirwa nhumwa inoutsinye. Zviri nani kuti munhu asangane zvake nebere gadzi ratorerwa vana varo pane kusangana nebenzi muupenzi hwaro. Munhu akatsiva chakanaka nechakaipa, zvakaipa hazvizosiana neimba yake. Kutangisa kwegakava kwakaita sokudziura mvura saka ibva gakava risati ramuka. Munhu anopembedza munhu akaipa nomunhu anopa mhosva munhu asina mhosva vose vari vaviri vanosemesa pana Tenzi. Zvinobatsirei benzi kuva nemari mumaoko yokutenga nayo ungwaru iro musoro risina. Shamwari ishamwari nguva dzose asi womumba ndowokutakura naye nhamo. Munhu asina pfungwa anongotsidza achiva munhu wokumiririra chikwereti chomumwe. Munhu anoda kukanganisa anoda mhirizhonga. Munhu anoda kuzvikwiridzira pamusoro anozvitsvakira kuparadzwa. Munhu woujarijari haabudiriri uye munhu anotaura zvakatsveyama anowira mumatambudziko. Munhu anobereka dununu romwana ane nhamo. Baba vebenzi havana mufaro. Kuva nomwoyo wakafaranuka mushonga wakanaka kusuruvara mwoyo kunoonza munhu. Munhu wakaipa anotora pfumbamuromo pachipfuva chake kuti akanganise ruenzaniso. Munhu anonzwisisa ungwaru anogara akatarisana naho asi maziso ebenzi anogara ari kokoko kwakaperera nyika. Benzi romwana rinorwadzisa mwoyo wababa uye rinoshungurudza amai vakaribereka. Kuripisa munhu asina mhaka hazvina kunaka. Kurova vakuru vakuru neshamhu hakuna kunaka. Munhu anozvidzora pakutaura anoruzivo munhu akanyarara munhu anonzwisisa. Kunyange benzi rinonyarara rinoonekwa somungwaru. Kana akaramba akati zvake muromo bo vanhu vanofunga kuti anonzwisisa.
Zvirevo 17:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cimeɗurwa cakawoma ceciŋgwa norugare, Cinopfuʋura imba izere neɀakaɓayiwa nokukakaʋara. Muranda, unoita noʋucenjeri, uŋgaraira mŋanakomana unonyadzisa, Acidya nhaka pamŋe cete naʋana. Hari yokunyausa ndeyesirveri, neʋira nderendarama; Asi Jehova unoidza mŋoyo yaʋanhu. Munhu, unoita ɀakaipa, unoterera miromo yakaipa; Mureʋi wenhema unorerekera nzeʋe yake kururimi rwakashata. Aninani unoseka murombo, unoɀidza Muiti wake; Unofara pamsoro penjodzi yaʋamŋe, haaŋgakoni kurobga. Ʋazukuru ikorona yaʋatana; Kukudzwa kwaʋana ndiʋo madziɓaɓa aʋo. Kutaura kwamanyawi hakufaniri ɓenzi; Ɀikuru kutaura kunenhema hakufaniri mucinda. Fufuro yakaita sebge rinokosha kana icitarirwa nomŋene wayo; Pose painoriŋgira inofadza. Munhu unofukidza kuɗarika kwomumŋe, unotȿaka ruɗo; Asi unoramba acimutsa shoko, unoparadzanisa shamŋari dzinoɗana. Munhu unenjere unoɓayiwa nokutukwa Kupfuʋura ɓenzi nokurobga runezana. Munhu unomŋoyo wokumukira unoŋgotȿaka ɀakaipa; Asi ucatumirwa nhume inomŋoyo mukukutu. Ɀirinani kuti munhu asoŋgane necikara catorerwa ʋana, Pakuti asoŋgane neɓenzi paʋupenzi bgaro. Aninani unoripidzira ɀakanaka neɀakaipa, Ɀakaipa haɀiŋgabvi paimba yake. Kuʋamba kwokukakaʋara kwakafanana nokudziʋurira mvura; Saka rega rukaʋe, kurwa kusati kwaȿika. Unopembedza wakaipa, nounopa wakarurama mhoȿa, Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanonyaŋgadza Jehova. Mari iri muruʋoko rweɓenzi neiko kuti riteŋge ʋucenjeri, Ɀarisinenjere. Shamŋari inoɗa ŋguʋa dzose; Hama inoɓerekerwa kuti iɓatsire pakutambudzika. Munhu unoshaiwa njere, ndiye unoɀisuŋga noruʋoko rwake, Aciɀiitira wokwake ruɓatso. Unoɗa kukakaʋara, unoɗa kuɗarika; Unokurisa suʋo rake, unotȿaka kuparadzwa. Unomŋoyo usakarurama haawani ɀakanaka; Unorurimi rusakarurama unowira munjodzi. Unoɓereka ɓenzi ucazonzwa shuŋgu; Ƃaɓa ʋeɓenzi haʋanamufaro. Mŋoyo wakafara unoɓatsira munhu kupora; Asi mŋeya wakaputsika unowomesa mafupa. Munhu wakaipa unogamucira fufuro inobva mucifuʋa, Kuti aminamise nzira dzokururamisira. Ʋucenjeri ʋuri pamberi pounenjere; Asi meso eɓenzi ari pamigumo yenyika. Mŋanakomana ɓenzi unocemedza ɓaɓa ʋake, Unoitira mai ʋakamuɓereka ɀinoʋaʋa. Ʋuye, kuraŋga wakarurama hakuzakanaka, Nokuroʋa ʋakuru nokuɗa kwokururama kwaʋo. Unoɀidzora pamashoko ake, uneziʋo; Ʋuye unomŋeya wakagadzikana, munhu wenjere. Kunyaŋge neɓenzi, kana rinyerere, riŋganzi rakacenjera; Unoɓumira muromo wake, ucanzi wakaŋgwara.
Zvirevo 17:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)