Cimeɗurwa cakawoma ceciŋgwa norugare,
Cinopfuʋura imba izere neɀakaɓayiwa nokukakaʋara.
Muranda, unoita noʋucenjeri, uŋgaraira mŋanakomana unonyadzisa,
Acidya nhaka pamŋe cete naʋana.
Hari yokunyausa ndeyesirveri, neʋira nderendarama;
Asi Jehova unoidza mŋoyo yaʋanhu.
Munhu, unoita ɀakaipa, unoterera miromo yakaipa;
Mureʋi wenhema unorerekera nzeʋe yake kururimi rwakashata.
Aninani unoseka murombo, unoɀidza Muiti wake;
Unofara pamsoro penjodzi yaʋamŋe, haaŋgakoni kurobga.
Ʋazukuru ikorona yaʋatana;
Kukudzwa kwaʋana ndiʋo madziɓaɓa aʋo.
Kutaura kwamanyawi hakufaniri ɓenzi;
Ɀikuru kutaura kunenhema hakufaniri mucinda.
Fufuro yakaita sebge rinokosha kana icitarirwa nomŋene wayo;
Pose painoriŋgira inofadza.
Munhu unofukidza kuɗarika kwomumŋe, unotȿaka ruɗo;
Asi unoramba acimutsa shoko, unoparadzanisa shamŋari dzinoɗana.
Munhu unenjere unoɓayiwa nokutukwa
Kupfuʋura ɓenzi nokurobga runezana.
Munhu unomŋoyo wokumukira unoŋgotȿaka ɀakaipa;
Asi ucatumirwa nhume inomŋoyo mukukutu.
Ɀirinani kuti munhu asoŋgane necikara catorerwa ʋana,
Pakuti asoŋgane neɓenzi paʋupenzi bgaro.
Aninani unoripidzira ɀakanaka neɀakaipa,
Ɀakaipa haɀiŋgabvi paimba yake.
Kuʋamba kwokukakaʋara kwakafanana nokudziʋurira mvura;
Saka rega rukaʋe, kurwa kusati kwaȿika.
Unopembedza wakaipa, nounopa wakarurama mhoȿa,
Ʋose ʋari ʋaʋiri ʋanonyaŋgadza Jehova.
Mari iri muruʋoko rweɓenzi neiko kuti riteŋge ʋucenjeri,
Ɀarisinenjere.
Shamŋari inoɗa ŋguʋa dzose;
Hama inoɓerekerwa kuti iɓatsire pakutambudzika.
Munhu unoshaiwa njere, ndiye unoɀisuŋga noruʋoko rwake,
Aciɀiitira wokwake ruɓatso.
Unoɗa kukakaʋara, unoɗa kuɗarika;
Unokurisa suʋo rake, unotȿaka kuparadzwa.
Unomŋoyo usakarurama haawani ɀakanaka;
Unorurimi rusakarurama unowira munjodzi.
Unoɓereka ɓenzi ucazonzwa shuŋgu;
Ƃaɓa ʋeɓenzi haʋanamufaro.
Mŋoyo wakafara unoɓatsira munhu kupora;
Asi mŋeya wakaputsika unowomesa mafupa.
Munhu wakaipa unogamucira fufuro inobva mucifuʋa,
Kuti aminamise nzira dzokururamisira.
Ʋucenjeri ʋuri pamberi pounenjere;
Asi meso eɓenzi ari pamigumo yenyika.
Mŋanakomana ɓenzi unocemedza ɓaɓa ʋake,
Unoitira mai ʋakamuɓereka ɀinoʋaʋa.
Ʋuye, kuraŋga wakarurama hakuzakanaka,
Nokuroʋa ʋakuru nokuɗa kwokururama kwaʋo.
Unoɀidzora pamashoko ake, uneziʋo;
Ʋuye unomŋeya wakagadzikana, munhu wenjere.
Kunyaŋge neɓenzi, kana rinyerere, riŋganzi rakacenjera;
Unoɓumira muromo wake, ucanzi wakaŋgwara.