VaFiripi 4:4-9
VaFiripi 4:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi.
VaFiripi 4:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.
VaFiripi 4:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai! Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo. Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai. Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.
VaFiripi 4:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.
VaFiripi 4:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi.
VaFiripi 4:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Farai munaShe ŋguʋa dzose; ndicapamhidza ɀe: Farai. Ʋunyoro bgenyu ŋgabguzikanwe naʋanhu ʋose. Ishe uri pedyo. Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga. Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzaŋgu, ɀose ɀaɀokwaɗi, ɀose ɀinokudzwa, ɀose ɀakarurama, ɀose ɀakacena, ɀose ɀinoɗikanwa, ɀose ɀinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana ciŋgarumbidzwa cipi necipi, fuŋgisisai iɀoɀo. Ɀinhu iɀo ɀamakadzidza, neɀamakapiwa, neɀamakanzwa, neɀamakaʋona kwandiri, itai iɀoɀo; Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi.