Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 4:4-9

VaFiripi 4:4-9 SNA2002

Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.

Verenga chikamu VaFiripi 4