VaFiripi 4:4-6 - Compare All Versions
VaFiripi 4:4-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai! Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo. Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
VaFiripi 4:4-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga.
VaFiripi 4:4-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Farai munaShe ŋguʋa dzose; ndicapamhidza ɀe: Farai. Ʋunyoro bgenyu ŋgabguzikanwe naʋanhu ʋose. Ishe uri pedyo. Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga.
VaFiripi 4:4-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda.
VaFiripi 4:4-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)