VaFiripi 2:5-7
VaFiripi 2:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu: Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa, asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu.
VaFiripi 2:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ivai nomwoyo uyo, wakanga uri muna Kristu Jesuo; iye, kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndochinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura iye, akazviita muranda, akafanana navanhu
VaFiripi 2:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakati penyu ivai nemwoyowo uyu mamuri waiva naKristu Jesu wokuti: Kunyange zvake akanga ari zvimwechetezvo naMwari, haana kuti ndoramba ndakangoomerana nokuenzana naMwari ikoko. Asi akazvidurura zvokuzvikwengura iye pachake akatora chimiro chomuranda akaberekwa akangoitawo zvakangoita vanhu.
VaFiripi 2:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iʋai nomŋoyo uyo, wakaŋga uri munaKristu Jesu ʋo; iye, kunyaŋge akaŋga akafanana naMŋari, haana‐kuti kuenzana naMŋari ndicinhu cinofanira kuɓatisiswa; asi wakaɀiɗurura iye, akaɀiita muranda, akafanana naʋanhu
VaFiripi 2:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)