Numeri 5:6-7
Numeri 5:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uti kuvaIsraeri: ‘Kana murume kana mukadzi akakanganisira mumwe nenzira ipi zvayo uye saizvozvo akasava akatendeka kuna Jehovha, munhu uyo ane mhosva, uye anofanira kureurura chivi chaakaita. Anofanira kuripira zvizere mhosva yake, achiwedzera chikamu chimwe chete muzvishanu chayo agozvipa zvose kumunhu waakatadzira.
Numeri 5:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Kana murume kana mukadzi achinge atadza nokutadza kwavanhu, akatadzira Jehovha, munhu uyu akava nemhosva; Ipapo anofanira kureurura zvivi zvake zvaakaita, ndokuripira mhosva yake yose, achiwedzera cheshanu chayo, ndokupa iye waakatadzira.
Numeri 5:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Udza vaIsiraeri kuti kana munhu atadzira mumwe, munhu iyeyu atopesana naTenzi. Munhu akadaro ngaareurure chitadzo chake aripe mhosva yacho nokubvisa muripo wayo agowedzera makumi maviri pazana roga roga raanofanira kuripa.
Numeri 5:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana murume kana mukadzi aciŋge atadza nokutadza kwaʋanhu, akatadzira Jehova, munhu uyu akaʋa nemhoȿa; ipapo unofanira kureʋurura ɀiʋi ɀake ɀaakaita, ndokuripira mhoȿa yake yose, aciwedzera ceshanu cayo, ndokupa iye waakatadzira.
Numeri 5:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Udza vaIsiraeri kuti kana munhu atadzira mumwe, munhu iyeyu atopesana naTenzi. Munhu akadaro ngaareurure chitadzo chake aripe mhosva yacho nokubvisa muripo wayo agowedzera makumi maviri pazana roga roga raanofanira kuripa.