Kuverengwa 5
5
Vanhu vanenge van'ora
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2“Taurira vaIsiraeri kuti ngavaburitse kunze kwamatendhe munhu ane chirwere cheganda chakaipisisa naane zvinobuda mumuviri wake naanenge an'oreswa nokubata chitunha. 3Vanhu vakadai, varume kana vakadzi vaburitsei kunze kwematendhe kuti varege kun'oresa nzvimbo yake yose yematendhe mandinogara.” 4VaIsiraeri vakaita saizvozvo vakavaburitsa kunze kwematendhe avo sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
Kuripa zvakanganisirwa mumwe
5Tenzi akataurira Mosesi achiti, 6“Udza vaIsiraeri kuti kana munhu atadzira mumwe, munhu iyeyu atopesana naTenzi. 7Munhu akadaro ngaareurure chitadzo chake aripe mhosva yacho nokubvisa muripo wayo agowedzera makumi maviri pazana roga roga#5:7 Pazana roga roga: Zvinoreva 20 kana. raanofanira kuripa. 8Kana munhu anogamuchira muripo iwoyo akafa pasinawo hama yake yomumba ingaugamuchira, ngaupiwe Tenzi kuti uzoshandiswa navapristi. Muripo iwoyo ndowokuwedzera pahondohwe inourayiwa panoitwa mupiro wokuripira chitadzo chake. 9Zvipo zvose zvavaIsiraeri nezvose zvavanenge vaturira kuna Mwari vachizviunza kumupristi ndezvomupristi. 10Chinhu chipi nechipi zvacho chinenge chaturirwa kuna Mwari nomunhu, chose chose zvacho chinenge chapiwa mupristi nomunhu ndechomupristi iyeyo pachake.”
Mhosva dzavakadzi vanofungirwa navarume vavo
11Tenzi akataurira Mosesi achiti, 12“Udza vaIsiraeri izvi: Ngatiti mukadzi womunhu aita unzenza hwokusatendeka kumurume wake, 13mumwe murume akarara naye zvikasazivikanwa nomurume wake, pasina amuona, asiye akazvin'oresa. Saka hakuna angamupomere mhosva uye panenge pasina chapupu nokuti anenge asina kubatwa achizviita. 14Ngatiti murume iyeyo afungidzira mukadzi wake akazvin'oresa, kana kuti mweya wokufungira unouya paari asi mukadzi wake asina kuzvin'oresa, 15pakadaro murume ngaaende nomukadzi wake kumupristi. Ngaauye nechibayiro chinodiwa kuti chipirwe iye cheupfu hwebhari hunorema kirogiramu rimwechete. Asi ngaarege kuisa mafuta eorivhi muupfu ihwohwo, kana kuhuisa rusenzi nokuti iwoyo mupiro wembesanwa weshanje, unoreva kuti pakaparwa mhosva inofanira kuyeukwa.
16“Mupristi ngaaunze mukadzi iyeyo andomumisa pamberi paTenzi. 17Mupristi ngaadire mvura inoera mumudziyo wevhu, anokore ivhu romutendhe rinoera ariise mumvura iya. 18Mupristi ngaamise mudzimai iyeyo pamberi paTenzi ngaarudunure vhudzi romukadzi iyeyo, amubatise mumaoko upfu hwemupiro wembesanwa weshanje unoreva kuti paparwa mhosva inofanira kuyeukwa. Mupristi ngaabate mumaoko ake mbiya iya ine mvura inozhurungunda kuvava yokurengeresa rushambwa. 19Mupristi iyeyo ngaaite kuti mukadzi uya apike mhiko yokuti, ‘Kana usina kutorana nomumwe murume kana usina kutsaukira kunezvakan'ora uri mumaoko omurume wako mvura iyoyi yokurengeresa nayo rushambwa ngairege kuwana chainokuita.’ 20Asi kana wakaita zvako zvounzenza, iwe uri mumaoko omurume wako, uyezve kana iwe wakazvin'oresa uchitorana nomumwe murume asiri murume wako, 21pakadai mupristi ngaatsidzire mukadzi iyeyo rushambwa achiti kumudzimai, ‘Tenzi ngaaite kuti urengererwe pakati pavanhu vakwako uzvimbe dumbu, upfudzike pamuviri.’ Mukadzi iyeyo ngaadaire achiti, ‘Ameni, ngazvive saizvozvo.’
22“Mvura iyi inopa rushambwa ngaipinde nomudumbu mako, muviri wako uzvimbe, upfudzike pamuviri.
“Mukadzi iyeyo ngaati, ‘Ameni, ngazvive saizvozvo.’
23“Mupristi ngaanyore kurengerera rushambwa ikoku, mubhuku asukire zvanyorwa zviya mumvura iya inozhurungunda kuvava. 24Mupristi ngaamwise mudzimai mvura iyoyo inozhurungunda yokurengeresa. Mvura iyoyo yokurengeresa rushamba ichapinda maari igomurwadzisa zvakanyanya. 25Mupristi ngaatore upfu hwemupiro weshanje pamaoko emudzimai iyeyo ahusumudzire kuna Tenzi achipira mupiro wembesanwa paatari. 26Mupristi ngaanokore tsama yahwo yechirango ahupise paatari. Shure kwaizvozvo ngaanwise mukadzi iyeyo mvura iya.
27“Mupristi kana achinge amunwisa mvura iya, kana mukadzi iyeyo achinge akazvin'oresa asina kutendeka kumurume wake, mvura yokurengeresa rushambwa ichamupinda igomurwadza zvakaipisisa. Ichafufumisa muviri wake kuzvimba, achazvimba dumbu agopfudzika pamuviri; achave munhu akarengererwa rushambwa pakati pavanhu vokwake. 28Asi kana mukadzi iyeyo asina kuzvin'oresa akachena, hapana chinomuwana, uye achava nembereko zvake.
29“Uyu ndiwo murao wakanangana nezveshanje, kana mudzimai achinge atsauka aita zvounzenza zvake achizvin'oresa, iye ari mumaoko omurume wake, 30uye kana murume apindwawo nomweya weshanje, oitira mukadzi wake shanje. Ngaaunze mukadzi wake pana Tenzi, mupristi aite kune mukadzi iyeyo zvose zvinorehwa nomurawo uyu. 31Murume wake achashamba mhosva iyi maoko, asi mukadzi iyeyo achawana mubairo wouipi hwake.”
Zvasarudzwa nguva ino
Kuverengwa 5: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.