Numeri 5:1-4
Numeri 5:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Raira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaɓuɗise pakati pemisasa ʋose ʋanamaperembudzi, naʋose ʋanehosha yokuyerera, naʋose ʋakaȿiɓiswa naʋakafa. Munofanira kuɓuɗisa ʋose, ʋarume naʋakadzi; muʋaɓuɗise kunze kwemisasa, kuti ʋarege kuȿiɓisa misasa yaʋo, yandigere pakati payo. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; ʋakaʋaɓuɗisa kunze kwemisasa; seɀakataura Jehova naMosesi, ndiɀo ɀakaita ʋana ʋaIsraeri.
Numeri 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha. Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.” VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
Numeri 5:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Raira vaIsiraeri kuti vabudise pakati pemisasa vose vana maperembudzi, navose vane hosha yokuyerera, navose vakasvibiswa navakafa. Munofanira kubudisa vose, varume navakadzi; muvabudise kunze kwemisasa, kuti varege kusvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.” Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; vakavabudisa kunze kwemisasa; sezvakataura Jehovha naMosesi, ndizvo zvakaita vana vaIsiraeri.
Numeri 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Taurira vaIsiraeri kuti ngavaburitse kunze kwamatendhe munhu ane chirwere cheganda chakaipisisa naane zvinobuda mumuviri wake naanenge an'oreswa nokubata chitunha. Vanhu vakadai, varume kana vakadzi vaburitsei kunze kwematendhe kuti varege kun'oresa nzvimbo yake yose yematendhe mandinogara.” VaIsiraeri vakaita saizvozvo vakavaburitsa kunze kwematendhe avo sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.
Numeri 5:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Raira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaɓuɗise pakati pemisasa ʋose ʋanamaperembudzi, naʋose ʋanehosha yokuyerera, naʋose ʋakaȿiɓiswa naʋakafa. Munofanira kuɓuɗisa ʋose, ʋarume naʋakadzi; muʋaɓuɗise kunze kwemisasa, kuti ʋarege kuȿiɓisa misasa yaʋo, yandigere pakati payo. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; ʋakaʋaɓuɗisa kunze kwemisasa; seɀakataura Jehova naMosesi, ndiɀo ɀakaita ʋana ʋaIsraeri.
Numeri 5:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)