Numeri 31:6-16 - Compare All Versions
Numeri 31:6-16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe, pamwe chete naFinehasi mwanakomana waEreazari muprista, uyo akatorawo nhumbi dzomunzvimbo tsvene nehwamanda dzokuridza pakutungamirira. Vakarwisa vaMidhiani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose. Vakaurayiwa pakati pavo ndiEvhi, Rekemu, Zuri, Huri naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani. Vakaurayawo nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori. VaIsraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo uye vakatora mombe dzose dzavaMidhiani, makwai nepfuma sezvinhu zvavakapamba. Vakapisa maguta ose avaMidhiani, pamwe chete nemisasa yavo yose. Vakatora zvose zvavakapamba, nepfuma, pamwe chete navanhu uye nezvipfuwo, vakauya nenhapwa, nepfuma uye nezvavakapamba kuna Mozisi naEreazari muprista, uye vaIsraeri vakaungana pamisasa yavo pamapani eMoabhu, paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko. Mozisi, Ereazari navatungamiri vose veungano vakabuda kuti vandosangana navo kunze kwomusasa. Mozisi akatsamwira machinda ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, vakadzoka kuhondo. Akavabvunza akati, “Ko, makatendera vakadzi vose kuti vararame here? Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha.
Numeri 31:6-16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akavatuma kundorwa, chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, ivo naPinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, kundorwa, iye akabata nhumbi dzeimba tsvene nehwamanda dzokuridzisa nadzo. Vakarwa navaMidhiani, sezvakarairwa Mosesi naJehovha, vakauraya varume vose. Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo. Vana vaIsiraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo; nemombe dzavo dzose namakwai avo ose, nepfuma yavo yose, vakazvitapa. Namaguta avo ose mavakanga vagere, nemisasa yavo yose, vakazvipisa nomoto. Vakatora zvavakapamba zvose, nenhapwa dzose dzavanhu nedzezvipfuwo. Vakauya navatapwa, nezvavakatapa, nezvavakapamba kuna Mosesi, nokuna Ereazari mupristi, nokuungano yose yavana vaIsiraeri, kumisasa pamapani aMoabhu, ari paJorodhani paJeriko. Zvino Mosesi naEreazari mupristi, namachinda ose eungano, vakaenda kundosangana navo kunze kwemisasa. Mosesi akatsamwira vatariri vehondo, navakuru vezviuru navakuru vamazana, vakanga vachidzoka pakundorwa; Mosesi akati kwavari, “Makachengeta vakadzi vose vari vapenyu here? Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.
Numeri 31:6-16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mosesi akatumira kuhondo chiuru chimwe nechimwe chavarwi vemadzinza ose avaIsiraeri pamwechete naFiniyasi mwanakomana womupristi, Ereazari. Finiyasi akaenda navo aine midziyo yomutendhe rinoera netsuri dzairidzirwa kurongera varwi zvokuita. Vakarwisa vaMidhiani sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Vakauraya varume vose pamwechete namadzimambo mashanu vaMidhiani aiti: Evhi naRekemu naZuri naHuri naRebha. Vakaurayawo Bhiriamu mwanakomana waBheori vachimubaya nebakatwa. VaIsiraeri vakatapa vanhukadzi navana vavaMidhiani. Vakatorawo zvipfuwo zvavaMidhiani nepfuma yavo yose. Vakapisa maguta mavaigara namatendhe avo. Vakatora vanhu vavakatapa nezvipfuwo noupfumi hwose hwavakapamba vakaenda nazvo. Vakauya nenhapwa dziya nezvipfuwo zviya nepfuma iya vakasvika kuna Mosesi nomupristi Ereazari negungano rose ravaIsiraeri vaiva pamatendhe avo kumapani eMoabhu muna Jorodhani pakatarisana neJeriko. Mosesi nomupristi Ereazari navatungamiriri vose vegungano ravaIsiraeri vakandochingura varwi kunze kwamatendhe. Ipapo Mosesi akashatiriswa navakuru vakuru vehondo vaya vaiva vatungamiriri vamapoka ezviuru nevemazana avarwi vakanga vadzoka vachibva kuhondo. Mosesi akati, “Ko magorega vakadzi vose vari vapenyu sei? Ndivoka ivava vakarasikisa vaIsiraeri, panyaya iya yaBhiriamu. VaIsiraeri vakabva vatadzira Tenzi panyaya iya yokuPeori yakarakatisa gungano raTenzi nedenda.
Numeri 31:6-16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Mosesi akaʋatuma kundorwa, curu cimŋe kurudzi rumŋe norumŋe, iʋo naPinehasi, mŋanakomana waEreazari muprista, kundorwa, iye akaɓata nhumbi dzeimba tȿene nehwamanda dzokuridzisa nadzo. Ʋakarwa naʋaMidiani, seɀakarairwa Mosesi naJehova, ʋakaʋuraya ʋarume ʋose. Ʋakaʋuraya ʋo madzimambo aʋaMidiani, pamŋe cete naʋamŋe ʋakaʋurawa, ʋaiti: Evi, naRekemi, naZuri, naHuri, naReba, madzimambo mashanu aʋaMidiani; naBarami, mŋanakomana waBeori, ʋakamuʋuraya ʋo nomunondo. Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa ʋakadzi ʋaʋaMidiani naʋana ʋaʋo; neŋombe dzaʋo dzose namakwai aʋo ose, nefuma yaʋo yose, ʋakaɀitapa. Namaguta aʋo yose maʋakaŋga ʋagere, nemisasa yaʋo ose, ʋakaɀipisa nomŋoto. Ʋakatora ɀaʋakapamba ɀose, nenhapxa dzose dzaʋanhu nedzeɀipfuwo. Ʋakaʋuya naʋatapxa, neɀaʋakatapa, neɀaʋakapamba kunaMosesi, nokunaEreazari muprista, nokuʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, kumisasa pamapani aMoabi, ari paJoridani paJeriko. Ɀino Mosesi naEreazari muprista, namacinda ose eʋuŋgano, ʋakaenda kundosoŋgana naʋo kunze kwemisasa. Mosesi akatsamŋira ʋatariri ʋehondo, naʋakuru ʋeɀuru naʋakuru ʋamazana, ʋakaŋga ʋacidzoka pakundorwa; Mosesi akati kwaʋari: Makaceŋgeta ʋakadzi ʋose ʋari ʋapenyu here? Tarirai, ndiʋo ʋakatadzisa ʋana ʋaIsraeri pamberi paJehova paɀakaitwa paPeori, ʋapiwa mano naBarami, ɗenda rikaʋa’po pakati peʋuŋgano yaJehova.
Numeri 31:6-16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)