Numeri 31:6-16
Numeri 31:6-16 SNA2002
Mosesi akavatuma kundorwa, chiuru chimwe kurudzi rumwe norumwe, ivo naPinehasi, mwanakomana waEreazari mupristi, kundorwa, iye akabata nhumbi dzeimba tsvene nehwamanda dzokuridzisa nadzo. Vakarwa navaMidhiani, sezvakarairwa Mosesi naJehovha, vakauraya varume vose. Vakaurayawo madzimambo avaMidhiani, pamwechete navamwe vakaurawa, vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani; naBharamu, mwanakomana waBheori, vakamuurayawo nomunondo. Vana vaIsiraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo; nemombe dzavo dzose namakwai avo ose, nepfuma yavo yose, vakazvitapa. Namaguta avo ose mavakanga vagere, nemisasa yavo yose, vakazvipisa nomoto. Vakatora zvavakapamba zvose, nenhapwa dzose dzavanhu nedzezvipfuwo. Vakauya navatapwa, nezvavakatapa, nezvavakapamba kuna Mosesi, nokuna Ereazari mupristi, nokuungano yose yavana vaIsiraeri, kumisasa pamapani aMoabhu, ari paJorodhani paJeriko. Zvino Mosesi naEreazari mupristi, namachinda ose eungano, vakaenda kundosangana navo kunze kwemisasa. Mosesi akatsamwira vatariri vehondo, navakuru vezviuru navakuru vamazana, vakanga vachidzoka pakundorwa; Mosesi akati kwavari, “Makachengeta vakadzi vose vari vapenyu here? Tarirai, ndivo vakatadzisa vana vaIsiraeri pamberi paJehovha pazvakaitwa paPeori, vapiwa mano naBharamu, denda rikavapo pakati peungano yaJehovha.

