Numeri 14:1-5
Numeri 14:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usiku ihwohwo vanhu vose veungano vakasimudza manzwi avo vakachema zvikuru. VaIsraeri vose vakapopotera Mozisi naAroni uye ungano yose yakati kwavari, “Dai bedzi takanga tafira muIjipiti! Kana murenje rino! Ko, Jehovha ari kuuyireiko nesu kunyika ino zvoongotirega tichindourayiwa nomunondo? Vakadzi navana vedu vachatorwa senhapwa. Hazvaiva nani here kuti tidzokere kuIjipiti?” Zvino vakataurirana vachiti, “Tinofanira kusarudza mutungamiri tidzokere kuIjipiti.” Ipapo Mozisi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavaIsraeri yakanga iri ipapo.
Numeri 14:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ungano yose yakachema zvikuru; vanhu vakachema usiku ihwohwo. Vana vaIsiraeri vose vakapopotera Mosesi naAroni, ungano yose ikati kwavari, “Haiwa, dai takafira hedu munyika yeIjipiti! Dai takafira hedu murenje rino! Jehovha akauyireiko nesu munyika ino, tiurawe nomunondo? Vakadzi vedu navana vedu vachatapwa. Hakuzaiva nani kuti tidzokere Ijipiti here?” Vakataurirana, vakati, “Ngatizvitsvakire mukuru, tidzokere Ijipiti.” Ipapo Mosesi naAroni vakawira pasi nezviso zvavo pamberi peungano yose yavana vaIsiraeri.
Numeri 14:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gungano rose ravaIsiraeri rakaridza mhere usiku ihwohwo vakarara vachichema. Gungano rose rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Dai takafira zvedu kunyika yeIjipiti kana kuti tifire zvedu murenje muno! Seiko Mwari achida kuenda nesu kunyika iyoyo kundotiurayisa nehondo? Madzimai edu navana vedu vachatapwa. Hazvingatinakire here kana tikadzokera zvedu kuIjipiti?” Saka vakataurirana vachiti, “Ngatisarudzei mutungamiriri tidzokere kuIjipiti!” Ipapo Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara pamberi pegungano rose ravaIsiraeri.
Numeri 14:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋuŋgano yose yakacema ɀikuru; ʋanhu ʋakacema ʋusiku ibgobgo. Ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakapopotera Mosesi naAroni, ʋuŋgano yose ikati kwaʋari: Haiwa, Ƌai takafira heɗu munyika yeEgipita! Ƌai takafira heɗu murenje rino! Jehova wakaʋuyireiko nesu munyika ino, tiʋurawe nomunondo? Ʋakadzi ʋeɗu naʋana ʋeɗu ʋacatapxa. Hakuzaiʋa nani kuti tidzokere Egipita here? Ʋakataurirana, ʋakati: Ŋgatiɀitȿakire mukuru, tidzokere Egipita. Ipapo Mosesi naAroni ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo pamberi peʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri.
Numeri 14:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)