Mako 5:2-10 - Compare All Versions
Mako 5:2-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo. Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake. Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!” Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!” Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.” Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
Mako 5:2-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati abuda muigwa, pakarepo akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumarinda. Uyo aigara mumarinda; kwakanga kusino munhu akanga achagona kumusunga kunyange nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa nezvisungo zvamakumbo nengetani, asi aidambura ngetani, nokudashura zvisungo; kwakanga kusino munhu aigona kumudzikamisa. Nguva dzose, usiku namasikati, aigara mumarinda nomumakomo, achiridza mhere, achizvicheka namabwe. Zvino akati achiona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumupfugamira; akadanidzira nezwi guru, akati, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.” Nokuti akati kwaari, “Buda pamunhu, iwe mweya wakaipa!” Akamubvunza, akati, “Zita rako ndianiko?” Akati kwaari, “Ndinonzi Regioni, nokuti tiri vazhinji.” Akakumbira zvikuru kwaari kuti arege kuidzinga panyika iyo.
Mako 5:2-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu achingobuda mugwa, akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumakuva. Munhu uyu aigara mumakuva. Pakanga pasisina kana nomunhu zvake aigona kumusunga kunyange nengetani, nokuti aimbosungwa namajoti nengetani kazhinji, asi aidambura ngetani nokuita majoti udimbu–udimbu. Naizvozvo kwakanga kusisina aigona kumudzikamisa. Nguva dzose, siku nesikati, ainge ari ikoko kumakuva nomumakomo achingozhambarara uye achizvicheka–cheka namabwe. Paakaona Jesu achiri chinhambwe, akamhanyira kwaari akamupfugamira, ndokuzhamba nezwi guru achiti, “Unei neni, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro. Ndinoti nezita raMwari rega, kunditambudza.” Nokuti Jesu akanga amuti, “Iwe mweya wetsvina, buda mumunhu uyu.” Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akapindura achiti, “Zita rangu ndinonzi Hondo nokuti takawanda.” Akateterera Jesu chaizvo kuti arege kuidzingira kunze kwedunhu iroro.
Mako 5:2-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino wakati aɓuɗa mugwa, pakarepo akasoŋgana nomunhu waiʋa nomŋeya wetȿina, acibva kumarinda. Uyo waigara mumarinda; kwakaŋga kusinomunhu wakaŋga acagona kumusuŋga kunyaŋge neketani. Nokuti kazhinji waisuŋgwa neɀisuŋgo ɀamakumbo namaketani, asi waiɗambura maketani, nokuɗashura ɀisuŋgo; kwakaŋga kusinomunhu waigona kumunyoroʋesa. Ŋguʋa dzose, ʋusiku namasikati, waigara mumarinda nomumakomo, aciɗanidzira, aciɀiceka namabge. Ɀino wakati aciʋona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata; akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Ndinemhaka yeiko nemi Jesu, Mŋanakomana waMŋari Wokumsoro‐soro? Ndinokupikirai naMŋari kuti murege kunditambudza. Nokuti wakati kwaari: Ƃuɗa pamunhu, iwe mŋeya wetȿina! Akamubvunza, akati: Zita rako ndianiko? Akati kwaari: Regioni ndiro zita raŋgu, nokuti tiri ʋazhinji. Akakumbira ɀikuru kwaari kuti arege kuidziŋga panyika iyo.
Mako 5:2-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)