Mariko 5:2-10
Mariko 5:2-10 SCLBD
Jesu achingobuda mugwa, akasangana nomunhu aiva nomweya wakaipa, achibva kumakuva. Munhu uyu aigara mumakuva. Pakanga pasisina kana nomunhu zvake aigona kumusunga kunyange nengetani, nokuti aimbosungwa namajoti nengetani kazhinji, asi aidambura ngetani nokuita majoti udimbu–udimbu. Naizvozvo kwakanga kusisina aigona kumudzikamisa. Nguva dzose, siku nesikati, ainge ari ikoko kumakuva nomumakomo achingozhambarara uye achizvicheka–cheka namabwe. Paakaona Jesu achiri chinhambwe, akamhanyira kwaari akamupfugamira, ndokuzhamba nezwi guru achiti, “Unei neni, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro. Ndinoti nezita raMwari rega, kunditambudza.” Nokuti Jesu akanga amuti, “Iwe mweya wetsvina, buda mumunhu uyu.” Jesu akamubvunza kuti, “Zita rako ndiani?” Iye akapindura achiti, “Zita rangu ndinonzi Hondo nokuti takawanda.” Akateterera Jesu chaizvo kuti arege kuidzingira kunze kwedunhu iroro.

