Mateo 28:1-4 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 28:1-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure meSabata, ava mambakwedza nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria vakaenda kundoona guva. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru nokuti mutumwa waShe akabva kudenga akaenda paguva akasvikokungurutsa ibwe riya akagara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni uye nguo dzake dzakanga dzakachena sechando. Varindi vakamutya kwazvo zvokuti vakadedera vakaita savanhu vafa.
Mateo 28:1-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokupera kweSabata, kwoedza, nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakauya kuzoona bwiro. Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando. Zvino vanyakugaririra vakadedera vachimutya, vakaita savakafa.
Mateo 28:1-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokupera kwesaɓata, kwoedza, nomusi wokutaŋga weviki, Maria Magdarene, nomumŋe Maria, ʋakaʋuya kuzoʋona bgiro. Ɀino kukaʋa’po kuɗeŋgenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumŋa waShe wakaɓuruka kuɗeŋga, akaʋuya, akakuŋgurusa ibge, ndokugara pamsoro paro. Kuʋonekwa kwake kwakaŋga kwakaita semheni, neɀokufuka ɀake ɀaiʋa ɀicena secando. Ɀino ʋarindi ʋakaɗeɗera ʋacimutya, ʋakaita saʋakafa.
Mateo 28:1-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kuzoti Sabata rapfuura, mambakwedza ezuva rokutanga revhiki, Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakaenda kuguva. Heko kundengendeka kukuru kwenyika kwakaitika nokuti mutumwa waMwari akaburuka kubva kudenga. Akauya akakungurutsa dombo riya ndokugara pamusoro paro. Aitarisika semheni, hanzu dzake dzakachena kuti mbuu samazaya echando. Mapurisa aya akadedera nokumutya vakati papata sokunge vafa.
Mateo 28:1-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)