Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 28:1-4

Mateu 28:1-4 SNA2002

Nokupera kweSabata, kwoedza, nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakauya kuzoona bwiro. Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro. Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando. Zvino vanyakugaririra vakadedera vachimutya, vakaita savakafa.

Verenga chikamu Mateu 28