Mateo 27:32-56 - Compare All Versions
Mateo 27:32-56 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya. Uye vakagara pasi, vakamurinda. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.” Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!” Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari. Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo. Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.” Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe. Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.” Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji. Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!” Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi.
Mateo 27:32-56 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. Vakati vasvika panzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru, kuti anwe; asi akati aravira, akaramba kunwa. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya, (kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike, zvinoti: Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu) Vakagara, vakamurindapo. Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake, rwokuti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe. Vakanga vachipfuura, vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.” Saizvozvo vapristi vakuru, navanyori navakuru, vakamuseka, vachiti, “Akaponesa vamwe; haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, titende kwaari. Aivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa, kana achimuda; nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, akamuzvidza saizvozvo. Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eri, Eri, rama sabakitani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eria.” Pakarepo mumwe wavo wakamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga, ndokuchiisa parutsanga, akamunwisa. Vamwe vakati, “Regai, timboona kana Eria achizouya kumuponesa.” Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa. Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; mabwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa; zvikabuda pamabwiro, iye akati amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji. Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.” Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu, vachibva Gariria vachimushandira. Pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharene, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi.
Mateo 27:32-56 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pavakanga vakubuda, vakasangana nomumwe murume wokuSairini ainzi Simoni. Vakamanikidza murume iyeyo kutakura muchinjikwa waJesu. Pavakasvika panzvimbo inonzi Gorogota zvinoreva kuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakasanganiswa nenduru kuti anwe. Paakairavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange. Vakagara pasi vachimuchengetedza ipapo. Nechapamusoro vakaisa chiga chemhosva yake chaiti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Ipapo makororo maviri akarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye, mumwe ari kurudyi mumwe kuruboshe. Vanhu vaipfuura nepo, vakamuseka vachidzungudza musoro vachiti, “Ndiweka unogona kuputsa Temberi uchiivaka namazuva matatu, chizviponeseka kana uri Mwanakomana waMwari buruka pamuchinjikwa.” Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vakamunyombawo vachiti, “Akaponesa vamwe asi haaagoni kuzviponesa. Ndiyeka mambo wavaIsiraeri. Ngaaburuke pamuchinjikwa iye zvino tigotenda maari. Anovimba naMwari. Ko iye Mwari ngaachimuponesaka kana achimuda nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Kunyange makororo aya akanga akarovererwa naye akamunyombawo nenzira imwecheteyo. Kubvira paawa yegumi nechipiri, masikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. Neawa inenge yechitatu masikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eri Eri rama sabhakitani” zvinoreva kuti, “Mwari wangu Mwari wangu mandisiireiko.” Vamwe vakanga vakamirapo pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu ari kudaidza Eriya.” Mumwe wavo, pakarepo, akamhanya akatora chifovefove ndokuchinyika muwaini inovava kusvika chazara. Akachibairira parutsanga akamupa kuti anwe. Asi vamwe vakati, “Mirai tione kuti Eriya achauya kuzomuponesa here.” Jesu akadaidzira zvakare nezwi guru ndokubva afa. Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka. Makuva akazaruka. Vanhu vazhinji vakafa vatsvene vakamutswa. Vakabuda mumakuva mushure mokumuka kwake. Vakapinda muguta dzvene vakaonekwa navazhinji. Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” Pakangawo paina madzimai mazhinji ipapo akanga akatarisa ari chinhambwe, akanga atevera Jesu kubva Garirea achimushandira. Pakati pavo paiva naMaria Maghadharena naMaria amai Jemusi naJosefi namai vavanakomana vaZebhedhi.
Mateo 27:32-56 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ʋakati ʋaciɓuɗa, ʋakawana munhu weKurini, wainzi Simoni; ʋakamumanikidza iye kuti atakure mucinjikwa wake. Ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Gorgota, ndokuti nɀimbo yeɗehenya, ʋakamupa waini yakaveŋganiswa nenduru, kuti anwe; asi wakati araʋira, akaramba kunwa. Ʋakati ʋamuroʋera pamucinjikwa, ʋakagoʋana ŋguʋo dzake pakati paʋo, ʋacikanda mijenya, [kuti ɀakarebga nomuprofita ɀiitike, ɀinoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, ʋakakanda mijenya pamsoro peɀokufuka ɀaŋgu.] Ʋakagara, ʋakamurinda’po. Ʋakaisa pamsoro pomusoro wake rugwaro rwemhoȿa yake, rwokuti: UYU NDIJESU MAMBO WAƲAJUDA. Ʋakaroʋera pamŋe cete naye makororo maʋiri, mumŋe kurudyi, mumŋe kuruɓoshwe. Ʋakaŋga ʋacipfuʋura, ʋakamutuka, ʋacidzuŋgudza misoro yaʋo, ʋaciti: Iwe wokuputsa tembere, nokuiʋaka ɀe namazuʋa matatu, ciɀiponesa. Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ɓuruka pamucinjikwa. Saiɀoɀo ʋaprista ʋakuru, naʋanyori naʋakuru, ʋakamuseka, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; haagoni kuɀiponesa! Ndiye Mambo waʋaIsraeri! Ŋgaaɓuruke ɀino pamucinjikwa, titende kwaari. Waiʋimba naMŋari; ŋgaacimusunuŋgura ɀino pamucinjikwa, kana acimuɗa; nokuti wakati: Ndiri Mŋanakomana waMŋari. namakororo akaŋga aroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, akamuɀidza saiɀoɀo. Ɀino kubva paŋguʋa yecitanhatu kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe, rima rakaʋa’po panyika yose. Neŋguʋa ineŋge yepfumbamŋe, Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Eri, Eri, rama sabaktani? Ndokuti: Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Uyo unoɗana Eria. Pakarepo mumŋe waʋo wakamhanya, akatora cipanje, akacizadza nevinega, ndokuciisa parutsaŋga, akamunwisa. Ʋamŋe ʋakati: Regai, timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuponesa. Ɀino Jesu akaɗanidzira ɀe nenzwi guru, akarega mŋeya wake. Ipapo tarira, cidzitiro cetembere cakabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi; nyika ikaɗeŋgenyeka, mabge akatsemuka; mabgiro akazaruka, nemitumbu mizhinji yaʋatȿene, ʋakaŋga ʋaʋete, yakamutswa; ʋakaɓuɗa pamabgiro, iye amuka, ʋakapinda muguta dɀene, ʋakaʋonekwa naʋazhinji. Ɀino mukuru wezana, naʋairinda Jesu naye, ʋakati ʋaciʋona kuɗeŋgenyeka kwenyika, neɀakaitwa, ʋakatya ɀikuru, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari. Ʋakadzi ʋazhinji ʋakaŋga ʋari’po, ʋakatarira ʋari kure, ʋakaŋga ʋateʋera Jesu, ʋacibva Garirea ʋacimushandira. Pakati paʋo kwakaŋga kunaMaria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo naJose, namai ʋaʋanakomana ʋaZebedi.
Mateo 27:32-56 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)