Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 27:32-56

Mateu 27:32-56 SNA2002

Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. Vakati vasvika panzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru, kuti anwe; asi akati aravira, akaramba kunwa. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya, (kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike, zvinoti: Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu) Vakagara, vakamurindapo. Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake, rwokuti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe. Vakanga vachipfuura, vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.” Saizvozvo vapristi vakuru, navanyori navakuru, vakamuseka, vachiti, “Akaponesa vamwe; haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, titende kwaari. Aivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa, kana achimuda; nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, akamuzvidza saizvozvo. Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eri, Eri, rama sabakitani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eria.” Pakarepo mumwe wavo wakamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga, ndokuchiisa parutsanga, akamunwisa. Vamwe vakati, “Regai, timboona kana Eria achizouya kumuponesa.” Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa. Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; mabwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa; zvikabuda pamabwiro, iye akati amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji. Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.” Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu, vachibva Gariria vachimushandira. Pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharene, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi.

Verenga chikamu Mateu 27