Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 20:24-28 - Compare All Versions

Mateo 20:24-28 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomununʼuna ava. Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi veveDzimwe Ndudzi vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo. Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu, sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 20 BDSC

Mateo 20:24-28 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe. Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 20 SNA2002

Mateo 20:24-28 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Vamwe gumi vaya pavakazvinzwa vakashatirirwa mukoma nomunun'una vaya. Jesu akavadaidza akati kwavari, “Munozviziva imi kuti vatongi vechirudzi, pakutonga, vanoita zvomukundo uye vakuru vakuru vavo vanoita zvechisimba. Asi pakati penyu hazvifaniri kudaro. Asi uyo anenge achida kuva mukuru pakati penyu ngaave mushandiri wenyu. Uye ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, anofanira kuva muranda wenyu. Kunyange Mwanakomana womunhu, haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira vamwe uye kuzopira upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 20 SCLBD

Mateo 20:24-28 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋanegumi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatsamŋira aʋo ʋana ʋaʋiri ʋomunhu mumŋe. Asi Jesu akaʋaɗanira kwaari, akati: Munoziʋa kuti macinda aʋahedeni anoʋaraira, naʋakuru ʋaʋo ʋanoita simba naʋo. Pakati penyu ŋgaɀirege kuʋa kuɗaro; asi aninani unoɗa kuʋa mukuru pakati penyu, ŋgaaʋe mushumiri wenyu. Aninani unoɗa kuʋa wokutaŋga pakati penyu, ŋgaaʋe muranda wenyu. Ɀakaita soMŋanakomana womunhu usina‐kuʋuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa ʋupenyu bgake ruʋe rudzikinuro rwaʋazhinji.

Pakurirana nevamwe
Mateo 20 SUB1949

Mateo 20:24-28 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mateo 20 SCLB