Mateu 20:24-28
Mateu 20:24-28 SNA2002
Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe. Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa hupenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”

