Mateo 19:28-30 - Compare All Versions
Mateo 19:28-30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri. Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.
Mateo 19:28-30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri. Mumwe nomumwe akasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yohupenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.
Mateo 19:28-30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Pakumutsurudzwa kwezvinhu patsva, Mwanakomana womunhu paanenge ogara pachigaro chake chembiri, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri. Munhu wose akasiya dzimba kana vakoma navanun'una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda pamusana pezita rangu, achagamuchira zvakapetwa kazana uye achizowana upenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisira vachava vokutanga.’ ”
Mateo 19:28-30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, imi makanditeʋera pakuɓerekwa kutȿa, kana Mŋanakomana womunhu acizogara pacigaro coʋushe cokubginya kwake, imi ʋo mucagara paɀigaro ɀinegumi neɀiʋiri, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri. Mumŋe nomumŋe wakasiya dzimba, kana ʋanuŋuna, kana hanɀadzi, kana ɓaɓa, kana mai, kana mukadzi, kana ʋana, kana minda, nokuɗa kwezita raŋgu, ucapiwa ɀinezana, akagara nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi. Asi ʋazhinji ʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira, noʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga.
Mateo 19:28-30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)