Mateu 19:28-30
Mateu 19:28-30 SCLB
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Pakumutsurudzwa kwezvinhu patsva, Mwanakomana womunhu paanenge ogara pachigaro chake chembiri, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri. Munhu wose akasiya dzimba kana vakoma navanun'una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda pamusana pezita rangu, achagamuchira zvakapetwa kazana uye achizowana upenyu husingaperi. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisira vachava vokutanga.’ ”

