Mateo 19:10-15
Mateo 19:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vadzidzi vake vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro azvakaita pakati pomurume nomukadzi, zviri nani kusawana.” Jesu akapindura akati kwavari, “Haasi wose anogamuchira shoko iri, asi kune avo chete vakaripiwa. Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.” Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo. Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.” Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo.
Mateo 19:10-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vadzidzi vakati kwaari, “Kana zvakadaro pakati pomurume nomukadzi, hazvina kunaka kuwana.” Asi iye akati kwavari, “Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa. Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe hwedenga. Angagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire.” Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti aise maoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavadzivisa. Asi Jesu akati kwavari, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekudenga ndohwavakadai.” Akaisa maoko pamusoro pavo, akabvapo.
Mateo 19:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vadzidzi vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro akaita zvinhu pane zvomurume nomukadzi zviri nani kusaroora.” Asi iye akati kwavari, “Havasi vose vanogona kuzvitambira izvozvo asi avo chete vanenge vakatozvipiwa. Nokuti kune vamwe vanoita utsvimborume kubvira chiberekerwo chavo. Vamwe vanoitiswa tsvimborume navanhu. Navamwewo vanosarudza kuva tsvimborume pamusana poumambo hwedenga. Uyo anokwanisa kugashira izvi ngaazvigashire.” Zvino vamwe vanhu vakauisa vana kuna Jesu kuti aise maoko ake pavari achivanamatira. Vadzidzi vakarambidza vanhu ivavo. Asi Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hokudenga ndehwevakaita saivava.” Akaisa maoko ake pamusoro pavo ndokubva aenda.
Mateo 19:10-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Kana ɀakaɗaro pakati pomurume nomukadzi, haɀina‐kunaka kuwana. Asi iye akati kwaʋari: Ʋose haʋagamuciri shoko iri, asi aʋo ʋakaɀipiwa. Nokuti ŋgomŋa dziri’po, dzakaɓerekwa dzakaɗaro kubva muɗumbu ramai; ŋgomŋa dziri’po, dzakaitwa ŋgomŋa naʋanhu; ŋgomŋa dziri’po dzakaɀiita ŋgomŋa nokuɗa kwoʋushe bgokuɗeŋga. Uŋgagamucira shoko iri, ŋgaarigamucire. Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aise maʋoko pamsoro paʋo, aʋanyeŋgeterere; ʋadzidzi ʋakaʋaraira. Asi Jesu wakati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku, musaʋadziʋisa kuʋuya kwandiri; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋakaɗai. Akaisa maʋoko pamsoro paʋo, akabva’po.
Mateo 19:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)