Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 19:10-15

Mateu 19:10-15 SCLBD

Vadzidzi vakati kwaari, “Kana ari iwo mamiriro akaita zvinhu pane zvomurume nomukadzi zviri nani kusaroora.” Asi iye akati kwavari, “Havasi vose vanogona kuzvitambira izvozvo asi avo chete vanenge vakatozvipiwa. Nokuti kune vamwe vanoita utsvimborume kubvira chiberekerwo chavo. Vamwe vanoitiswa tsvimborume navanhu. Navamwewo vanosarudza kuva tsvimborume pamusana poumambo hwedenga. Uyo anokwanisa kugashira izvi ngaazvigashire.” Zvino vamwe vanhu vakauisa vana kuna Jesu kuti aise maoko ake pavari achivanamatira. Vadzidzi vakarambidza vanhu ivavo. Asi Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hokudenga ndehwevakaita saivava.” Akaisa maoko ake pamusoro pavo ndokubva aenda.

Verenga chikamu Mateu 19