Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:29-37

Ruka 11:29-37 SCLBD

Gungano ravanhu parakanga richimuti ungaunga akatangisa kuti, “Chizvarwa ichi chizvarwa chakaipa. Chinotsvaka chiratidzo asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona. Nokuti sezvakaita Jona kuva chiratidzo kuvanhu veNinivhe, ndizvozvo zvichaita Mwanakomana womunhu kuchizvarwa ichi. Mambokadzi wokuMaodzanyemba achasimuka achipa mhosva varume vechizvarwa ichi nokuti akabva kwakaperera nyika kuzonzwa ungwaru hwaSoromoni asi pano pane mukuru kupinda Soromoni. Varume veNinivhe vachasimuka padare vachimirisana nechizvarwa ichi vachichipa mhosva nokuti vakapinduka asika pano pane mukuru kupinda Jona. “Hakuna munhu anoti kana abatidza mwenje anouisa mudura kana kuukwidibira netswanda asi anouisa pachigadzikiro kuti vanopinda vaone chiedza. Ziso rako ndiro mwenje womuviri wako, zvino kana ziso rako rakanaka muviri wako wose uzere chiedza. Kana risinawo kunaka muviri wako uzere nerima. Ipapo ngwarira kuti chiedza chako chirege kuva rima. Zvino kana muviri wako wose uzere chiedza usina pane rima unenge wakajeka wose zvawo sezvinoita rambi rinokupa chiedza nemwenje waro.” Paakanga achiri kutaura, mumwe muFarisei akamukoka kundodya naye. Naizvozvo akaenda akandogara naye pakudya.

Verenga chikamu Ruka 11