Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 26:1-13 - Compare All Versions

Revhitiko 26:1-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“ ‘Musaita zvifananidzo kana kumisa chifananidzo kana ibwe rinoyera kwamuri, uye musaisa dombo rakavezwa munyika yenyu kuti mukotamire pamberi paro. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Chengetai maSabata angu uye muremekedze nzvimbo yangu tsvene. Ndini Jehovha. “ ‘Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo. Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa uye kukohwa mazambiringa kuchasvika pakudyara, uye muchadya zvose zvamunoda uye mugogara makachengetedzeka munyika menyu. “ ‘Ndichapa rugare panyika, uye muchavata pasi pasina achakuvhundutsai. Ndichabvisa zvikara zvesango panyika, uye munondo haungazopfuuri nomunyika yenyu. Muchadzinganisa vavengi venyu, uye vachawa nomunondo pamberi penyu. Vashanu venyu vachadzinganisa zana, uye zana renyu richadzinganisa zviuru gumi uye vavengi venyu vachawa nomunondo pamberi penyu. “ ‘Ndichakutarisai nenyasha uye ndichaita kuti muve nezvibereko uye muwande, uye ndichachengeta sungano yangu nemi. Muchange muchiri kudya gohwo regore rakapera pamuchazobvisa kuti muise zvitsva. Ndichadzika tabhenakeri yangu pakati penyu uye handizokusemai. Ndichafamba pakati penyu ndigova Mwari wenyu, uye muchava vanhu vangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu, ndakakubudisai kubva munyika yeIjipiti kuti musazova varanda kuvaIjipita zvakare, ndakatyora matanda ejoko renyu ndikakufambisai makati twi.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 BDSC

Revhitiko 26:1-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Musazviitira zvifananidzo, kana kuzvimutsira mufananidzo wakavezwa kana shongwe yebwe; musaisa ibwe rinomufananidzo munyika yenyu kuti mupfugamirepo, nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. Munofanira kuchengeta maSabata angu, nokukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha. “Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiita; ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo. Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa, nokukohwa mazambiringa kuchasvika panguva yokudyara; muchadya zvokudya zvenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makachengeteka. “Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhunduswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu; muchadzinga vavengi venyu, vakaparadzwa nomunondo pamberi penyu. Vashanu venyu vachadzinga vane zana, navane zana venyu vachadzinga vane zviuru zvine gumi, vavengi venyu vachaparadzwa nomunondo pamberi penyu. Ini ndichakurangarirai, ndichakuberekesai nokukuwanzai; ndichasimbisa sungano yangu nemi. Muchadya zviyo zvakachangetwa nguva huru, muchafanira kubudisa zvekare kudziurira zvitsva. Ndichagadza tabhenakeri yangu pakati penyu; mweya wangu haungakusemiyi. Ndichafamba pakati penyu, ndichava Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu. Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 SNA2002

Revhitiko 26:1-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Regai kuzvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kana kumisa zvifananidzo zvokuveza, kana matombo okuyeuka nawo vamwe vamwari. Regai kumisa matombo munyika yenyu muchianamata nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Chengetai maSabata angu, muchiremekedza nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro. “Kana mukatevedza mitemo yangu mukateerera mirao yangu nokuichengeta, ndichakunayisirai mvura nenguva yayo, nyika ichabereka zvibereko zvayo. Miti yemichero yomuminda yenyu ichabereka michero yayo. Mbesa dzenyu dzichawanda zvokuti nguva yokutanha michero yamagirepisi ichasvika musati mapedza kupura mbesa. Munodzamara musvike pakudyara mbesa dzenyu musati mapedza kutanha magirepisi. Muchadya zvokudya zvenyu muchiguta mugere munyika yenyu makagarikana. “Ndichakupai rugare munyika yenyu, muchanyatsovata musingavhundutswi nomunhu. Ndichabvisa zvikara munyika yenyu, hamuzovizve nehondo munyika imomo. Muchadzingirira vavengi venyu, muchivarizha nebakatwa. Vashanu venyu, vachadzingirira zana ravanhu. Zana ravanhu venyu, richadzingirira zviuru gumi zvavanhu. Vavengi venyu vachapera kuurayiwa nehondo yenyu. Ndichakucheukai, ndikupei chikomborero chokuti muberekane muwande. Ndichachengeta chitendherano changu nemi. Mbesanwa dzenyu dzichasaruka nokusarukazve mumatura enyu, muchidya, zvokutozodzirasa moisa dzimwe itsva. Ndichaita musha wangu pakati penyu, Handizombofi ndakakufuratirai. Ndichaenda nemi, ndichava Mwari wenyu imi muri vanhu vangu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 SCLBD

Revhitiko 26:1-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Musaɀiitira ɀifananidzo, kana kuɀimutsira mufananidzo wakaʋezwa kana shoŋgwe yebge; musaisa ibge rinomufananidzo munyika yenyu kuti mufugamire’po, nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu. Munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu, nokukudza imba yaŋgu tȿene; ndini Jehova. Kana mucifamba nemitemo yaŋgu, nokuceŋgeta mirairo yaŋgu, muciiita; ini ndicakunisirai mvura neŋguʋa yayo, nenyika icaɓereka ɀiɓereko ɀayo, nemiti yesaŋgo icaɓereka ɀiɓereko ɀayo. Kupura kwenyu kucaȿika pakukohwa mazambiriŋga, nokukohwa mazambiriŋga kucaȿika paŋguʋa yokudɀara; mucadya ɀokudya ɀenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makaceŋgeteka. Ndicakupai rugare panyika, kuti muʋate pasi musiŋgavunduswi nomunhu; ɀikara ndicaɀipedza panyika, nomunondo hauŋgapfuʋuri nomunyika yenyu; mucadziŋga ʋaʋeŋgi ʋenyu, ʋakaparadzwa nomunondo pamberi penyu. Ʋashanu ʋenyu ʋacadziŋga ʋanezana, naʋanezana ʋenyu ʋacadziŋga ʋaneɀuru ɀinegumi, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaparadzwa nomunondo pamberi penyu. Ini ndicakuraŋgarirai, ndicakuɓerekesai nokukuwanzai; ndicasimbisa suŋgano yaŋgu nemi. Mucadya ɀiyo ɀakaceŋgetwa ŋguʋa huru, mucafanira kuɓuɗisa ɀekare kudziʋurira ɀitȿa. Ndicagadza tabernakeri yaŋgu pakati penyu; mŋeya waŋgu hauŋgakusemiyi. Ndicafamba pakati penyu, ndicaʋa Mŋari wenyu, nemi mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu. Ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti murege kuʋa ʋatapxa ʋaʋo; ndakavuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 SUB1949

Revhitiko 26:1-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Regai kuzvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kana kumisa zvifananidzo zvokuveza, kana matombo okuyeuka nawo vamwe vamwari. Regai kumisa matombo munyika yenyu muchianamata nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Chengetai maSabata angu, muchiremekedza nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro. “Kana mukatevedza mitemo yangu mukateerera mirao yangu nokuichengeta, ndichakunayisirai mvura nenguva yayo, nyika ichabereka zvibereko zvayo. Miti yemichero yomuminda yenyu ichabereka michero yayo. Mbesa dzenyu dzichawanda zvokuti nguva yokutanha michero yamagirepisi ichasvika musati mapedza kupura mbesa. Munodzamara musvike pakudyara mbesa dzenyu musati mapedza kutanha magirepisi. Muchadya zvokudya zvenyu muchiguta mugere munyika yenyu makagarikana. “Ndichakupai rugare munyika yenyu, muchanyatsovata musingavhundutswi nomunhu. Ndichabvisa zvikara munyika yenyu, hamuzovizve nehondo munyika imomo. Muchadzingirira vavengi venyu, muchivarizha nebakatwa. Vashanu venyu, vachadzingirira zana ravanhu. Zana ravanhu venyu, richadzingirira zviuru gumi zvavanhu. Vavengi venyu vachapera kuurayiwa nehondo yenyu. Ndichakucheukai, ndikupei chikomborero chokuti muberekane muwande. Ndichachengeta chitendherano changu nemi. Mbesanwa dzenyu dzichasaruka nokusarukazve mumatura enyu, muchidya, zvokutozodzirasa moisa dzimwe itsva. Ndichaita musha wangu pakati penyu, Handizombofi ndakakufuratirai. Ndichaenda nemi, ndichava Mwari wenyu imi muri vanhu vangu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka.

Pakurirana nevamwe
Revhitiko 26 SCLB