Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 26:1-13

Mupiro 26:1-13 SCLB

“Regai kuzvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kana kumisa zvifananidzo zvokuveza, kana matombo okuyeuka nawo vamwe vamwari. Regai kumisa matombo munyika yenyu muchianamata nokuti ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Chengetai maSabata angu, muchiremekedza nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro. “Kana mukatevedza mitemo yangu mukateerera mirao yangu nokuichengeta, ndichakunayisirai mvura nenguva yayo, nyika ichabereka zvibereko zvayo. Miti yemichero yomuminda yenyu ichabereka michero yayo. Mbesa dzenyu dzichawanda zvokuti nguva yokutanha michero yamagirepisi ichasvika musati mapedza kupura mbesa. Munodzamara musvike pakudyara mbesa dzenyu musati mapedza kutanha magirepisi. Muchadya zvokudya zvenyu muchiguta mugere munyika yenyu makagarikana. “Ndichakupai rugare munyika yenyu, muchanyatsovata musingavhundutswi nomunhu. Ndichabvisa zvikara munyika yenyu, hamuzovizve nehondo munyika imomo. Muchadzingirira vavengi venyu, muchivarizha nebakatwa. Vashanu venyu, vachadzingirira zana ravanhu. Zana ravanhu venyu, richadzingirira zviuru gumi zvavanhu. Vavengi venyu vachapera kuurayiwa nehondo yenyu. Ndichakucheukai, ndikupei chikomborero chokuti muberekane muwande. Ndichachengeta chitendherano changu nemi. Mbesanwa dzenyu dzichasaruka nokusarukazve mumatura enyu, muchidya, zvokutozodzirasa moisa dzimwe itsva. Ndichaita musha wangu pakati penyu, Handizombofi ndakakufuratirai. Ndichaenda nemi, ndichava Mwari wenyu imi muri vanhu vangu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu akakuburitsai munyika yeIjipiti kuti murege kuva varanda vavo. Ndakatyora zvikei zvejoko rouranda hwenyu ndikaita kuti mufambe makasununguka.

Verenga chikamu Mupiro 26