Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuungudza kwaJeremia 3:19-33 - Compare All Versions

Kuungudza kwaJeremia 3:19-33 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.” Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka; chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki. Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari. Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo. Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi. Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi. Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi. Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.

Pakurirana nevamwe
Kuungudza kwaJeremia 3 BDSC

Kuungudza kwaJeremia 3:19-33 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru. Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo. Ndinozvifunga izvo, naizvozvo ndine tariro. Nokuda kwounyoro hwaJehovha tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani ose zvava zvitsva; kutendeka kwenyu kukuru. Jehovha ndiwo mugove wangu, ndizvo zvinotaura mweya wangu; naizvozvo ndichavimba naye. Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka. Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere, zvakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri muduku. Ngaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye akariisa pamusoro pake. Ngaaise muromo wake muguruva; zvimwe tariro ichipo. Ngaarinzire dama rake kune anomurova, ngaagutiswe nokushorwa. Nokuti Ishe haangadzingi nokusingaperi. Nokuti kunyange akachemedza, achanzwira tsitsi nokuwanda kwengoni dzake Nokuti haatambudzi nomwoyo wake, haachemedzi vana vavanhu.

Kuungudza kwaJeremia 3:19-33 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu. Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura. Ini ndinoti Tenzi ndiye nhaka yangu, naizvozvo ndiye chitarisiro changu. Tenzi akanaka kuna vanomumirira kumunhu anomutsvaka. Chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaTenzi chinyararire. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri mudiki. Ngaagare pasi chinyararire nokuti ndiMwari anenge ariisa paari. Ngaaise zvake muromo wake pavhu zvichida pane chitarisiro chichiripo. Ngaaperekere zvake dama rake kune anorova ashorwe zvake zvizere. Nokuti Tenzi haarase munhu zvachose. Anogona kurwadzisa zvake asi ane tsitsi maererano nokuwanda kwemwoyochena wake. Hachisi chinhu chinomufadza kutambudza kana kurwadzisa vanhu.

Kuungudza kwaJeremia 3:19-33 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Raŋgarirai kutambudzika kwaŋgu nenhamo yaŋgu, iro gaʋakaʋa nenduru. Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu. Ndinoɀifuŋga iɀo, naiɀoɀo ndinetariro. Nokuɗa kwoʋunyoro bgaJehova tigere kupedzwa, nokuti tsitsi dzake hadziperi. Maŋgwanani ose ɀaʋa ɀitȿa; kutendeka kwenyu kukuru. Jehova ndiwo mugoʋe waŋgu — ndiɀo ɀinotaura mŋeya waŋgu; naiɀoɀo ndicaʋimba naye. Jehova unoitira ɀakanaka ʋanomumirira, naiwo mŋeya unomutȿaka. Ɀakanaka kuti munhu aʋimbe naJehova, amirire ruponeso rwaJehova anyerere, Ɀakanaka kuti munhu atakure joko rake aciri muɗuku. Ŋgaagare ari oga anyerere, nokuti ndiye wakariisa pamsoro pake. Ŋgaaise muromo wake muguruʋa; ɀimŋe tariro ici’po. Ŋgaarinzire ɗama rake kunounomuroʋa, ŋgaagutiswe nokushoʋorwa. Nokuti Ishe haaŋgadziŋgi nokusiŋgaperi. Nokuti kunyaŋge akacemedza, ucanzwira tsitsi nokuwanda kweŋgoni dzake. Nokuti haatambudzi nomŋoyo wake, haacemedzi ʋana ʋaʋanhu.

Kuungudza kwaJeremia 3:19-33 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu. Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura. Ini ndinoti Tenzi ndiye nhaka yangu, naizvozvo ndiye chitarisiro changu. Tenzi akanaka kuna vanomumirira kumunhu anomutsvaka. Chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaTenzi chinyararire. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri mudiki. Ngaagare pasi chinyararire nokuti ndiMwari anenge ariisa paari. Ngaaise zvake muromo wake pavhu zvichida pane chitarisiro chichiripo. Ngaaperekere zvake dama rake kune anorova ashorwe zvake zvizere. Nokuti Tenzi haarase munhu zvachose. Anogona kurwadzisa zvake asi ane tsitsi maererano nokuwanda kwemwoyochena wake. Hachisi chinhu chinomufadza kutambudza kana kurwadzisa vanhu.

Pakurirana nevamwe
Kuungudza kwaJeremia 3 SCLB