Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuungudza 3:19-33

Kuungudza 3:19-33 SCLBD

Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu. Asi izvi ndicharamba ndichizviyeuka uye zvichandipa chitarisiro ndezvizvi zvokuti: Mwoyochena waTenzi hauperi tsitsi dzake hadziperi. Mangwanani oga oga zvinenge zviri zvitsva. Kutendeka kwenyu kwakakura. Ini ndinoti Tenzi ndiye nhaka yangu, naizvozvo ndiye chitarisiro changu. Tenzi akanaka kuna vanomumirira kumunhu anomutsvaka. Chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaTenzi chinyararire. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko rake achiri mudiki. Ngaagare pasi chinyararire nokuti ndiMwari anenge ariisa paari. Ngaaise zvake muromo wake pavhu zvichida pane chitarisiro chichiripo. Ngaaperekere zvake dama rake kune anorova ashorwe zvake zvizere. Nokuti Tenzi haarase munhu zvachose. Anogona kurwadzisa zvake asi ane tsitsi maererano nokuwanda kwemwoyochena wake. Hachisi chinhu chinomufadza kutambudza kana kurwadzisa vanhu.

Verenga chikamu Kuungudza 3