Joshua 9:7-11
Joshua 9:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino varume veIsraeri vakati kuvaHivhi, “Asi zvichida munogara pedyo nesu. Tingagoita sungano nemi sei?” Ivo ndokuti kuna Joshua, “Tiri varanda venyu.” Asi Joshua akavabvunza achiti, “Ndimi vanaani uye munobvepi?” Ivo vakati kwaari, “Varanda venyu vabva kunyika iri kure kure nokuda kwomukurumbira waJehovha Mwari wenyu. Nokuti takanzwa nezvake: zvose zvaakaita muIjipiti, uye nezvose zvaakaita kumadzimambo maviri avaAmoni kumabvazuva eJorodhani nokuna Sihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, aitonga muAshitaroti. Zvino vakuru vedu navagari vose vomunyika yedu vakati kwatiri, ‘Torai mbuva yerwendo rwenyu; muende munosangana navo muti kwavari, “Tiri varanda venyu; itai sungano nesu.” ’
Joshua 9:7-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Varume vaIsiraeri vakati kuvaHivhi, “Zvimwe mugere pakati pedu; tingaita sungano nemi seiko?” Ivo vakati, “Tiri varanda venyu.” Joshua akati kwavari, “Ndimi aniko? Munobvepi?” Vakati, “Varanda venyu vabva kunyika iri kure‐kure, nokuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nokuti takanzwa mukurumbira wake nezvose zvaakaita Ijipiti. Uye zvose zvaakaitira madzimambo maviri avaAmori, akanga ari mhiri kwaJorodhani, naSihoni mambo weHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani, wakanga ari paAshitaroti. Vakuru vedu navanhu vose venyika yedu vakataura nesu, vakati, ‘Torai mbuva yenzira mumaoko enyu, mundosangana navo,’ muti kwavari, ‘Tiri varanda venyu; zvino itai sungano nesu.
Joshua 9:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi varume vechiIsiraeri vakati kuvaHivhi, “Ko zvimwe mungadaro muri vanhu vagere pakati pedu, tingagoita sei chitenderano nemi pakadaro?” Ivo vakati kuna Joshuwa, “Tiri varanda venyu.” Joshuwa akati kwavari, “Ko ndimi vanaani? Munobva kupi?” Vakati kwaari, “Isu varanda venyu tabva kunyika iri kure kure. Chatisvitsa kuno izita raTenzi Mwari wenyu nokuti, takanzwa nezvomukurumbira wake nezvose zvaakaita kuIjipiti, nezvose zvaakaita kumadzimambo maviri avaAmori aiva kumhiri kwaJorodhani, aiti Sihoni mambo weHeshibhoni naOgu mambo weBhashani aigara kuAshitaroti. Naizvozvo vakuru vakuru vedu navanhu vose vomunyika medu vakatiti, ‘Torai mbuva mupinde munzira mundochingudzana navo, muvati, tiri varanda venyu, tiri kukumbirawo kuti tiite chitenderano nemi.’
Joshua 9:7-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋarume ʋaIsraeri ʋakati kuʋaHivi: Ɀimŋe mugere pakati peɗu; tiŋgaita suŋgano nemi seiko? Iʋo ʋakati: Tiri ʋaranda ʋenyu. Joshua akati kwaʋari: Ndimi aniko? Munobvepi? Ʋakati: Ʋaranda ʋenyu ʋabva kunyika iri kure‐kure, nokuɗa kwezita raJehova Mŋari wenyu, nokuti takanzwa mukurumbira wake neɀose ɀaakaita Egipita. Ʋuye ɀose ɀaakaitira madzimambo maʋiri aʋaAmori, akaŋga ari mhiri kwaJoridani, naSihoni mambo weHeshboni, naOgi mambo weBashani, wakaŋga ari paAshtaroti. Ʋakuru ʋeɗu naʋanhu ʋose ʋenyika yeɗu ʋakataura nesu, ʋakati: Torai mbuʋa yenzira mumaʋoko enyu, mundosoŋgana naʋo, muti kwaʋari: Tiri ʋaranda ʋenyu; ɀino itai suŋgano nesu.
Joshua 9:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)