Asi varume vechiIsiraeri vakati kuvaHivhi, “Ko zvimwe mungadaro muri vanhu vagere pakati pedu, tingagoita sei chitenderano nemi pakadaro?” Ivo vakati kuna Joshuwa, “Tiri varanda venyu.” Joshuwa akati kwavari, “Ko ndimi vanaani? Munobva kupi?” Vakati kwaari, “Isu varanda venyu tabva kunyika iri kure kure. Chatisvitsa kuno izita raTenzi Mwari wenyu nokuti, takanzwa nezvomukurumbira wake nezvose zvaakaita kuIjipiti, nezvose zvaakaita kumadzimambo maviri avaAmori aiva kumhiri kwaJorodhani, aiti Sihoni mambo weHeshibhoni naOgu mambo weBhashani aigara kuAshitaroti. Naizvozvo vakuru vakuru vedu navanhu vose vomunyika medu vakatiti, ‘Torai mbuva mupinde munzira mundochingudzana navo, muvati, tiri varanda venyu, tiri kukumbirawo kuti tiite chitenderano nemi.’
Verenga chikamu Joshuwa 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshuwa 9:7-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo