Joshua 9:3-6
Joshua 9:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi vanhu veGibheoni pavakanzwa zvakanga zvaitwa Jeriko neAi naJoshua, vakafunga zano: Vakaenda senhume nembongoro dzavo dzakatakura masaga akasakara nehomwe dzewaini dzakasakara, dzakatsemuka dzikasonanidzwazve. Varume vakapfeka shangu dzakasakara. Zvingwa zvose zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha. Ipapo vakaenda kuna Joshua mumusasa paGirigari ndokubva vati kwaari nokuvarume veIsraeri, “Tabva kunyika iri kure; zvino itai sungano nesu.”
Joshua 9:3-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi vanhu veGibheoni vakati vachinzwa zvakanga zvaitirwa Jeriko neAi naJoshua, vakatsvaka mano, vakaenda senhume, vakaenda nehomo dzakasakara pamusoro pembongoro dzavo, nehombodo dzewaini dzakasakara, dzakanga dzakaparuka, nokusonanidzwazve; neshangu dzakasakara, dzaiva nezviremo patsoka dzavo, nenguo dzakasakara; zvingwa zvavo zvose zvembuva yavo zvakanga zvakaoma nokuvhuvha. Vakaenda kuna Joshua kumisasa paGirigari, vakati kwaari nokuvarume vaIsiraeri, “Tinobva kunyika iri kure; naizvozvo itai sungano nesu zvino.”
Joshua 9:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi vanhu veGibheoni pavakanzwa zvakaitwa naJoshuwa kuguta reJeriko nereAi naivowo vakaita zvounyengedzi. Zvavakaita ndezvokuti vakaenda vachiita sokunge nhumwa dzenyika. Vakatora masaga matsaru vakaisa pamadhongi avo, nezvigubhu zvewaini zvamatehwe zvasakara zvakabvaruka-bvaruka zvakaitwa zvokusoneredzwa. Vakapfeka mutsoka shangu dzasakara dzine zvigamba. Vakapfekawo marengenya. Chingwa chembuva yavo chakanga chachiti papata kuoma chava nechiundudzi. Vakaenda kuna Joshuwa pamatendhe kuGirigari, vakataurira iye navaIsiraeri vachiti, “Tabva kunyika iri kure kwazvo. Zvino tinokumbirawo kuti muite chitenderano nesu.”
Joshua 9:3-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋanhu ʋeGibeoni ʋakati ʋacinzwa ɀakaŋga ɀaitirwa Jeriko neAi naJoshua, ʋakatȿaka mano, ʋakaenda senhume, ʋakaenda nehomo dzakasakara pamsoro pemboŋgoro dzaʋo, nehomboɗo dzewaini dzakasakara, dzakaŋga dzakaparuka, nokusonanidzwa ɀe; neshaŋgu dzakasakara, dzaiʋa neɀiremo patsoka dzaʋo, neŋguʋo dzakasakara; ɀiŋgwa ɀaʋo ɀose ɀembuʋa yaʋo ɀakaŋga ɀakawoma nokuvuva. Ʋakaenda kunaJoshua kumisasa paGirgari, ʋakati kwaari nokuʋarume ʋaIsraeri: Tinobva kunyika iri kure; naiɀoɀo itai suŋgano nesu ɀino.
Joshua 9:3-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)