Asi vanhu veGibheoni pavakanzwa zvakaitwa naJoshuwa kuguta reJeriko nereAi naivowo vakaita zvounyengedzi. Zvavakaita ndezvokuti vakaenda vachiita sokunge nhumwa dzenyika. Vakatora masaga matsaru vakaisa pamadhongi avo, nezvigubhu zvewaini zvamatehwe zvasakara zvakabvaruka-bvaruka zvakaitwa zvokusoneredzwa. Vakapfeka mutsoka shangu dzasakara dzine zvigamba. Vakapfekawo marengenya. Chingwa chembuva yavo chakanga chachiti papata kuoma chava nechiundudzi. Vakaenda kuna Joshuwa pamatendhe kuGirigari, vakataurira iye navaIsiraeri vachiti, “Tabva kunyika iri kure kwazvo. Zvino tinokumbirawo kuti muite chitenderano nesu.”
Verenga chikamu Joshuwa 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshuwa 9:3-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo