Joshua 8:1-2
Joshua 8:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Usatya kana kuvhundutswa. Tora varwi vose uende unorwisa Ai. Nokuti ndaisa mambo weAi, navanhu vake, neguta rake nenyika yake mumaoko ako. Munofanira kuita kuAi namambo waro sezvamakaita kuJeriko namambo waro, kunze kwokuti apa munofanira kuzvitakurira zvamunotapa zvavo nezvipfuwo. Muise vangavandira guta necheseri kwaro.”
Joshua 8:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakati kuna Joshua, “Usatya, kana kuvhunduswa; tora vanhu vose vehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira ndaisa muruoko rwako mambo weAi navanhu vake, neguta rake, nenyika yake. Unofanira kuitira Ai sezvawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa zvingatapwa zvaro, nemombe dzaro, zvive zvenyu; uzvigadzirire vangavandira guta necheseri kwaro.”
Joshua 8:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Usatye kana kuzeza, tora vanhu vehondo vose vaunavo usimuke ukwire kuAi. Zviripo ndezvizvi, ndaisa mumaoko ako mambo wokuAi navanhu vake, neguta rake nenyika yake. Zvawakaita kuguta reJeriko namambo waro, ndozvauchaita kuguta reAi namambo waro. Asi torai zvenyu zvinhu zvomo nemombe zvamunenge mapamba zvive zvenyu. Itai zvokurihwandira necheshure kwaro.”
Joshua 8:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakati kunaJoshua: Usatya, kana kuvunduswa; tora ʋanhu ʋose ʋehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira, ndaisa muruʋoko rwako mambo weAi naʋanhu ʋake, neguta rake, nenyika yake. Unofanira kuitira Ai seɀawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa ɀiŋgatapxa ɀaro, neŋombe dzaro, ɀiʋe ɀenyu; uɀigadzirire ʋaŋgaʋandira guta neceseri kwaro.
Joshua 8:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)