Joshua 7:1-13
Joshua 7:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi vaIsraeri vakaita zvisina kutendeka pamusoro pezvinhu zvakatukwa; Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZimiri, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, akatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa. Naizvozvo hasha dzaJehovha dzakamukira vaIsraeri. Zvino Joshua akatuma vanhu kubva kuJeriko kuenda kuAi, iri pedyo neBheti Avheni kumabudazuva kweBheteri, akavaudza kuti, “Endai munosora nzvimbo iyi.” Naizvozvo varume vakaenda vakanosora Ai. Pavakadzoka kuna Joshua, vakati, “Hazvifaniri kuti vanhu vose vaende kundorwa neAi. Tumirai varume zviuru zviviri kana zvitatu kuti vaitore, mugorega kunetsa vanhu vose ava, nokuti ikoko kuna vanhu vashomanana chete.” Naizvozvo kwakaenda varume zviuru zvitatu; asi vakamhanyiswa zvakaipisisa navarume veAi, avo vakauraya vaIsraeri makumi matatu navatanhatu vavo. Vakavadzinganisa kubva pasuo reguta kusvikira kuShebharimu vakavaurayira pamawere, ipapo mwoyo yavanhu yakanyongodeka ikaita semvura. Zvino Joshua akabvarura nguo dzake akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha akaramba aripo kusvikira madekwana. Vakuru vavaIsraeri vakaitawo saizvozvo, vakadira guruva pamisoro yavo. Zvino Joshua akati, “Haiwa! Ishe Jehovha, makamboyambutsirei vanhu ava Jorodhani kuti mutiise mumaoko avaAmori kuti vatiparadze? Dai takangogutsikana hedu takagara mhiri kweJorodhani! Haiwa Ishe, ndingatiiko zvino vaIsraeri zvavakundwa navavengi vavo? VaKenani navamwe vanhu vari munyika muno vachazvinzwa vagotikomberedza nokubvisa zita redu pano pasi. Zvino muchagozoitei nezita renyu guru?” Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka! Wawireiko pasi nechiso chako? VaIsraeri vatadza; vadarika sungano yangu, yandakavarayira kuti vaichengete. Vatora zvimwe zvezvinhu zvakatukwa; vaba, vanyepa, vazvivhenganisa nezvinhu zvavo. Ndokusaka vaIsraeri vasingagoni kumisidzana navavengi vavo; vanofuratira vachitiza nokuti vava vanhu vakatukwa. “Enda unonatsa vanhu. Uvataurire kuti, ‘Zvinatsei muchigadzirira zuva ramangwana; nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Chinhu chakatukwa chiri pakati penyu, imi vaIsraeri. Hamungagoni kumisidzana navavengi venyu kusvikira machibvisa.
Joshua 7:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi vana vaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana vaIsiraeri. Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti‐avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, “Kwirai, mundoshora nyika.” Varume vakakwira, vakandoshora Ai, Vakadzokera kuna Joshua, vakati kwaari, “Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu ngavaende kundorwa neAi, asi vanhu vose ngavarege havo kutambudzwa kuendako, nokuti vashoma havo.” Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi. Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo mwoyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura. Zvino Joshua akabvarura nguo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vavaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo. Joshua akati, “Haiwa! Ishe Mwari, makayambusireiko vanhu ava paJorodhani, kuti mutiise mumaoko avaAmori, vatiparadze? Dai takatenda hedu kugara mhiri kwaJorodhani! Haiwa, Ishe, ndichati kudiniko, vaIsiraeri zvavakafuratira vavengi vavo! Nokuti vaKenani navose vagere munyika ino vachazvinzwa, vachatikomba, nokudzima zita redu panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?” Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Simuka, wawireiko kudai pachiso chako? VaIsiraeri vatadza, vadarika sungano yangu yandakavaraira; vatora chinhu chakayeriswa, babavo, nokunyengera, nokuchiviga pakati penhumbi dzavo. Naizvozvo vana vaIsiraeri havangagoni kukunda vavengi vavo, vanofuratira vavengi vavo, nokuti vava vanhu vakatukwa; handichazovi nemi, kana musingaparadzi chinhu chakayereswa pakati penyu. Simuka, utsaure vanhu, uti, ‘Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.’
Joshua 7:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi vaIsiraeri havana kuva vanhu vakatendeka panyaya yezvinhu zvakaturirwa kuparadzirwa Mwari. Chakaitika ndechokuti, Akani mwanakomana waKarumi, muzukuru waZabhudhi, mwanakomana waZeraha, wedzinza rokwaJudha akatora zvimwe zvinhu pazvinhu zviya zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa Mwari, hasha dzaTenzi dzikavirukira vaIsiraeri. Joshuwa akatuma vamwe varume vachibva kuJeriko kuenda kuAi, guta riri pedyo neBhetihavheni nechokumabvazuva kweBheteri, akavati, “Kwirai uku mundosora nyika.” Varume ivavo vakakwira ikoko, vakasora guta reAi. Vakadzoka kuna Joshuwa vakati kwaari, “Regai kuti vanhu vose vakwireko, ingotii chete varume zviuru zviviri kana zvitatu vakwire ikoko, varwise guta reAi. Regai zvenyu kutambudza vanhu nokuendesa vose ikoko nokuti vanhu voko vashoma.” Saka vanhu vainge zviuru zvitatu vakabva mugungano vakaendako. Asi vakamhanyiswa navarume vokuAi. Varume vokuAi vakauraya ainge makumi matatu avanhu ane vanhu vatanhatu. Vakadzingirirana kubvira pasuo guru reguta ravo kusvikira kuShebhurimu vachivauraya mumateru imomo. VaIsiraeri vakadedera, mwoyo yavo ikazanga nokutya. Joshuwa akabvarura hanzu dzake neshungu, akandoti pasi zvambarara pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano kusvikira manheru, iye pamwechete navakuru vakuru vavaIsiraeri, vakazvidira dota mumusoro. Ndopakazonamata Joshuwa achiti: “O babawe kani! Nhai Tenzi Mwari, makagoyambutsireiko vanhu ava Jorodhani. Kuzotiisa here chokwadi mumaoko avaAmori, kuti vatiparadze zvavo? Inga, dai takangosva tagara zvedu kumhiri kwaJorodhani. Zvino ndingagoti kudii chaizvo, nhai Tenzi kana vaIsiraeri vachidai kutiza vavengi vavo? Handiti vaKanani navagari vose vomunyika ino vachazvinzwa, vakatikomberana zvavo, vakatitsakatisa panyika zvokusazombonzwika zvedu kana zita. Zvino imi noukuru hwezita renyu, muchava papi ipapa?” Tenzi akati kuna Joshuwa, “Simuka apo! Ko ndochii ichocho kuzvambarara kudaro. VaIsiraeri vaita chitadzo, vatyora chitenderano changu navo, nokutora kwavaita zvimwe zvinhu zvakashorwa kuti zviparadzwe. Vaba, vakareva nhema, vakabatanidza zvavo zvinhu izvozvo nezvinhu zvavo. Ndokusaka vaIsiraeri vasisakwanisi kumirisana navavengi vavo vachitovapa gotsi kuvatiza. Izvozvi ivo ndivo vatova chinhu chakaturirwa kuneni kuti chiparadzwe. Kubvira iye zvino zvokuva nemi ndarega kusatoti matoparadza pakati penyu chinhu ichocho chakaturirweni kuti chiparadzwe. Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe.
Joshua 7:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakaɗarika pacinhu cakayeriswa; nokuti Akani, mŋanakomana waKarmi, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waZera, worudzi rwaJuda, wakatora cinhu ceɀakayeriswa; kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋana ʋaIsraeri. Joshua akatuma ʋarume ʋabve Jeriko ʋaende Ai, guta riri parutiʋi rweBeti‐aveni, kumabvazuʋa eBeteri, akataura naʋo, akati: Kwirai, mundoshora nyika. Ʋarume ʋakakwira, ʋakandoshora Ai. Ʋakadzokera kunaJoshua, ʋakati kwaari: Ʋanhu ʋose ŋgaʋarege kukwira; ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀiʋiri kana ɀitatu ŋgaʋaende kundorwa neAi, asi ʋanhu ʋose ŋgaʋarege haʋo kutambudzwa kuenda’ko, nokuti ʋashoma haʋo. Naiɀoɀo ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀiʋiri kana ɀitatu ʋakaenda’ko, iʋo ʋakatiza pamberi paʋarume ʋeAi. Ʋarume ʋeAi ʋakaʋuraya ʋarume ʋaneŋge makumi matatu naʋatanhatu ʋaʋo, ʋakaʋateʋerera kubva pamberi pesuʋo kuȿikira Shebarimi, ʋaciʋaʋuraya pakuɓuruka kwaʋo; ipapo mŋoyo yaʋanhu yakanyauka, ikaita semvura. Ɀino Joshua akabvarura ŋguʋo dzake, akawira pasi neciso cake pamberi peareka yaJehova kuȿikira maɗekwana, iye naʋakuru ʋaʋaIsraeri, ʋakaisa guruʋa pamisoro yaʋo. Joshua akati: Haiwa! Ishe Mŋari, makayambusireiko ʋanhu aʋa paJoridani, kuti mutiise mumaʋoko aʋaAmori, ʋatiparadze? Ƌai takatenda heɗu kugara mhiri kwaJoridani! Haiwa, Ishe, ndicati kuɗiniko, ʋaIsraeri ɀaʋakafuratira ʋaʋeŋgi ʋaʋo! Nokuti ʋaKanani naʋose ʋagere munyika ino ʋacaɀinzwa, ʋacatikomba, nokudzima zita reɗu panyika; ɀino zita renyu guru mucariiteiko? Ipapo Jehova akati kunaJoshua: Simuka, wawireiko kuɗai paciso cako? ƲaIsraeri ʋatadza, ʋaɗarika suŋgano yaŋgu yandakaʋaraira; ʋatora cinhu cakayeriswa, ʋaɓa ʋo, nokunyeŋgera, nokuciʋiga pakati penhumbi dzaʋo. Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri haʋaŋgagoni kukunda ʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋanofuratira ʋaʋeŋgi ʋaʋo, nokuti ʋaʋa ʋanhu ʋakatukwa; handicazoʋi nemi, kana musiŋgaparadzi cinhu cakayeriswa pakati penyu. Simuka, utsaure ʋanhu, uti: Ɀitsaurirei maŋgwana, nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kunecinhu cakayeriswa pakati penyu, Israeri; hamuŋgakundi ʋaʋeŋgi ʋenyu, kuȿikira mabvisa cinhu cakayeriswa pakati penyu.
Joshua 7:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)