Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 7:1-13

Joshuwa 7:1-13 SCLBD

Asi vaIsiraeri havana kuva vanhu vakatendeka panyaya yezvinhu zvakaturirwa kuparadzirwa Mwari. Chakaitika ndechokuti, Akani mwanakomana waKarumi, muzukuru waZabhudhi, mwanakomana waZeraha, wedzinza rokwaJudha akatora zvimwe zvinhu pazvinhu zviya zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa Mwari, hasha dzaTenzi dzikavirukira vaIsiraeri. Joshuwa akatuma vamwe varume vachibva kuJeriko kuenda kuAi, guta riri pedyo neBhetihavheni nechokumabvazuva kweBheteri, akavati, “Kwirai uku mundosora nyika.” Varume ivavo vakakwira ikoko, vakasora guta reAi. Vakadzoka kuna Joshuwa vakati kwaari, “Regai kuti vanhu vose vakwireko, ingotii chete varume zviuru zviviri kana zvitatu vakwire ikoko, varwise guta reAi. Regai zvenyu kutambudza vanhu nokuendesa vose ikoko nokuti vanhu voko vashoma.” Saka vanhu vainge zviuru zvitatu vakabva mugungano vakaendako. Asi vakamhanyiswa navarume vokuAi. Varume vokuAi vakauraya ainge makumi matatu avanhu ane vanhu vatanhatu. Vakadzingirirana kubvira pasuo guru reguta ravo kusvikira kuShebhurimu vachivauraya mumateru imomo. VaIsiraeri vakadedera, mwoyo yavo ikazanga nokutya. Joshuwa akabvarura hanzu dzake neshungu, akandoti pasi zvambarara pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano kusvikira manheru, iye pamwechete navakuru vakuru vavaIsiraeri, vakazvidira dota mumusoro. Ndopakazonamata Joshuwa achiti: “O babawe kani! Nhai Tenzi Mwari, makagoyambutsireiko vanhu ava Jorodhani. Kuzotiisa here chokwadi mumaoko avaAmori, kuti vatiparadze zvavo? Inga, dai takangosva tagara zvedu kumhiri kwaJorodhani. Zvino ndingagoti kudii chaizvo, nhai Tenzi kana vaIsiraeri vachidai kutiza vavengi vavo? Handiti vaKanani navagari vose vomunyika ino vachazvinzwa, vakatikomberana zvavo, vakatitsakatisa panyika zvokusazombonzwika zvedu kana zita. Zvino imi noukuru hwezita renyu, muchava papi ipapa?” Tenzi akati kuna Joshuwa, “Simuka apo! Ko ndochii ichocho kuzvambarara kudaro. VaIsiraeri vaita chitadzo, vatyora chitenderano changu navo, nokutora kwavaita zvimwe zvinhu zvakashorwa kuti zviparadzwe. Vaba, vakareva nhema, vakabatanidza zvavo zvinhu izvozvo nezvinhu zvavo. Ndokusaka vaIsiraeri vasisakwanisi kumirisana navavengi vavo vachitovapa gotsi kuvatiza. Izvozvi ivo ndivo vatova chinhu chakaturirwa kuneni kuti chiparadzwe. Kubvira iye zvino zvokuva nemi ndarega kusatoti matoparadza pakati penyu chinhu ichocho chakaturirweni kuti chiparadzwe. Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe.

Verenga chikamu Joshuwa 7